Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC T Dzopikisa kuMatare Kudomwa kweVatevedzeri veMutungamiri weBato naVaTsvangirai


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Nhengo mbiri dzebato reMDC T, dzinoti VaPatson Murimoga naVaGeorge Rice dzaendesa mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai pamwe nebato reMDC T kumatare edzimhosva dzichipikisa kudoma kwavakaita VaElias Mudzuri pamwe naVaNelson Chamisa sevatevedzeri vemutungamiri webato iri.

Mumagwaro asvitswa kudare repamusoro reHigh Court muHarare nhasi nemagweta eMugiya and Macharaga Law chambers, ayo ari mumaoko eStudio 7, vaviri ava vari kuti ivo mutungamiri webato haana masimba ekudoma vatevedzeri vake sezvo masimba aya ari muvanhu.

VaMurimoga naVaRice vanotiwo mubumbiro remitemo yeMDC T hamuna chikamu ichocho chinopa VaTsvangirai masimba akadaro, asi kuti vatevedzeri vanofanirwa kudomwa nevanhu.

Gweta riri kumirira varume vaviri ava, VaZivanai Macharaga vanoti vatosvitsa mapepa ekudare aya kunaVatsvangirai pamwe nebato reMDC T, uye vose vari mumapepa ekudare aya vane mazuva gumi ekuti vapikise nyaya iyi.

Vamwe vakwirirwa kudare ndaVaChamisa naVaMudzuri, pamwechete naSachigaro weMDC T. VaTsvangirai svondo rapera vakadoma VaMudzuri naVaChamisa sevamwe vatevedzeri vavo pamusoro paMuzvare Thokozani Khupe, avo vagara vari ivo mutevedzeri webato nechakare.

VaTsvangirai vakaudzawo vatori venhau kuti bumbiro ravo remitemo rinovapa masimba ekuita izvi.

Gweta raVaTsvangirai, VaInnocent Chagonda vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vawana mukana wekuvhura nekuverenga mapepa aya, vakati tivabate nemusi weChshanu.

Hurukuro naVaZivanai Macharaga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG