Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neHurema kuMasvingo Voronga Kuratidzira


Vanorarama nehurema kuMasvingo vanoti vacharatidzira vachitsutsumwa nekubatwa kwavanoti vari kuitwa nehurumende
Vanorarama nehurema kuMasvingo vanoti vacharatidzira vachitsutsumwa nekubatwa kwavanoti vari kuitwa nehurumende

Vanhu vanorarama nehurema vanotsutsumwira hurumende yeZanu PF nemutungamiriri wayo VaRobert Mugabe nenyaya yekuondonga hupfumi hwenyika zvaita kuti hupenyu hwavo huome kupfuura vamwe vanorarama vasina hurema.

Vachitaura pamusangano waitwa nesangano ravo reDisabled Amalgamated Community Trust kana kuti DACT, vanorarama nehurema ava vati mamiriro ehupfumi hwenyika ari kuita kuti vanonge svosve nemuromo kupfuura vamwe vanhu munyika.

Mutungamiriri weDACT, VaHenry Chivhanga vati nekudaro izvi zvaita kuti varonge kuratidzira mudhorobha reMasavingo mangwana senzira yekusvitsa zvinyunyuto zvavo kuhurumende.

“Isu mangwana zvirokwazvo tichafamba muno muMasvingo kubva paCroco Motors kusvika pa Civic Center. Mukatarisa mamiriro akaita upfumi hwenyika tinoti zvazvinodai kumuti munyoro kuzoti kune wakaoma. Isu vakaremara tiri kurwadziwa chaizvo.”

Vakaremara ava vanoti hupenyu huri kuvarwadza zvakasimba panguva iyo hurumende isiri kuvacheuka kuti ivabatsire, sezvo ruzhinji rwavo rwusingakwanisi kuita mabasa ekuzviraramisa.

Mutevedzeri wemutungamiri weDACT, VaSimeon Mapengo vati mapurisa akatovapa mvumo yekuratidzira, uye vanotarisira kuti vanorarama nehurema vakawanda vachabatana navo mukuratidzira kwavo.

“Ratidziro yedu takaikumbira svondo rapfuura iyo tikazobvumidza musi weChipiri, saka tinotarisira vanhu vakawanda kuti vauuye.”

Imwe nhengo ye DACT yataura pamusangano apa VaCover Mugwadhi, vapomera hurumende mhosva yekusarudza vanhu vakaremara vachisiiwa muzvirongwa zvekupundutsa hupenyu hwevanhu, zveupfumi hwenyika, uye vati hurumende haikoshesi kodzero dzevakaremara, avo vanosiiwa vachitakatika nenhamo munyika.

“Mukatarisa empowerment yose kubva ku ma youth hapana kana chavakaitira vanhu vakaremara. Hapana chavanganongedza kuti icho ndochatakaitira vakaremara. Hurumende yedu ndoshasha yekumbunyikidza kodzero dzevanhu vakaremara.”

Vanhu ava vanoti vari kuona chitsvuku mumaruzevha umo mavari kushaiwa chikafu, sezvo gore rino vanhu vari kutamba chamutavanhava nenzara zvichitevera kusanaya zvakanaka kwemvura.

Vakaremara vatiwo havasi kucheukwa nemusangano weZanu PF apo unogovera vanhu chikafu cherubatsiro rwunopiwa vari putambura. VaChivhanga vaenderera mberi vachiti hurumende haineyi nekodzero pamwe nezvichemo zvevakaremara avo vanosvika mamirioni maviri munyika.

“Mukatarisa iye zvino tine ma war vets 34 000 vana vavo vanobhadharirwa chikoro uye vakapuwa ministry isu vakaremara hatina asi tinosvika 2 million, ndozavtinoda kuti zvizikanwe.

Mukatarisa Mai Mahofa hofisi yavo yakazoiswa pasi nekuti vakatadza kukwira mstepisi kuenda kudenga. Ndozvimwe zvinhu zvinotonetsa sevakaremara.”

Vakaremara ava vati vachasvitsa gwaro renyunyuto kugurukota redunhu reMasvingo, Amai Shuvai Mahofa pamahofisi avo paBurombo.

Kuratidzira kwevakaremara uku kunouya panguva iyo masangano akazvimirira, mapato ezvematongerwo enyika anopikisa, pamwe nevamwe vanhu vari kuratidzira mumigwagwa yemunyika vachitsutsumwa nehutongi hwaVaMugabe nebato ravo reZanu PF, vachi kurudzira kuti vachibva pachigaro.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG