Accessibility links

Breaking News

VaMubaya Vopakurira Ruzivo Rwavo kuZvizvarwa zveChina


VaVictor Mubaya
VaVictor Mubaya

VaMubaya, avo vave kusvitsa makore makumi mashanu nemaviri ekuberekwa, vakaberekerwa muguta reBulawayo, vakazokurira kuChitungwiza

Pakasimuka chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaVictor Mubaya, vachibva kuZimbabwe vakananga kuAmerica kuchikoro makore ano darika gumi nemashanu adarika, havana kumbobvira varota kuti vachatenderera nepasi rose vachitsvaga mafuro manyoro.

Asi nekuda kwekugona kwavo basa, VaMubaya vakawana vave kushanda muguta reChengdu riri mudunhu reSichuan, kunyika yeChina, uko vari kudzidzisa Chirungu pane chimwe chikoro chepamusorosoro.

VaMubaya, avo vave kusvitsa makore makumi mashanu nemaviri ekuberekwa, vakaberekerwa muguta reBulawayo, vakazokurira kuChitungwiza

Vasati vaenda kunowedzera dzidzo yavo kuAmerica, VaMubaya vaive shasha yenhabvu, izvo zvakaita kuti vatambire zvikwata zvinosanganisira Caps united, BAT Ramblers pamwe nezvikwata zvenyika zve Five-Aside nechevechidiki.

Nekuda kwemukana wavakawana wekubuda kunze, VaMubaya vari kuramba vachibatsira zvikwata zvenhabvu muZimbabwe kuburikidza nekutsvaga zvipfeko nezvimwe zvakadaro.

Vamwe vavanoti vakabatsira ndemumwe wevatambi venhabvu vakaita mukurumbira, Alois Bunjira, uyo akavamba chikoro chake chekudzidzisa nhabvu kune vechidiki.

VaMubaya vanoti kunyange hazvo vatenderera nyika dzakawanda, havakanganwi kwavakabva.

“Kana dai ndiri kupi, ndakaona kana chipikiri chaicho ndinoti dai ndatora nekuti zvimwe chinonoshanda kumusha kana pakugadzira denga remba chairo,” VaMubaya vanodaro.

Vanoti vanokurudzira vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vaitewo saizvozvo, vatore kana ingava tambo chaiyo yekusungisa mombe, inoshanda chete kana yatumirwa kumusha.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG