Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri kuCanada Zvoremekedza Shasha dzeNhabvu, Grobbelaar naManuel


Darlington Choto, mutambi wenhabvu akambotambira Caps United, mumwe wevari kuronga kuremekedza Grobbelaar naManuel
Darlington Choto, mutambi wenhabvu akambotambira Caps United, mumwe wevari kuronga kuremekedza Grobbelaar naManuel

Mhuri yeZimbabwe iri muCanada iri pasi pesangano rePachedu Zimbabwe neMugovera uno iri kuungana muToronto ichitenda pamwe nekuremekedza zvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvakasimudzira nhabvu munyika zvinoti Bruce Grobbelaar naByron Manuel, avo vari muCanada pari zvino.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhwu, Darlington Choto, uyo akambotambawo nhabvu kuchikwata cheCaps United, anoti chinangwa chavo ndechekutenda basa rakaitwa nevarume vaviri ava, uye havasi kuzomirira pane vaviri ava chete.

"Hatisi kungotarisa vanhu vanotamba nhabvu chete, tiri kutarisawo nevamwe vanenge vakaita zvakanaka kana mudzidzo, vanenge vakaita zvakanaka mune zvimwe zvakasiyanasiyana," Choto anodaro.

Choto anoti vacharemekedza zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakasimudzira nyika nenzira dzakasiyanasiyana, kwete nhabvu chete.

Grobbelaar akaita mukurumbira achibatira zvikwata zvinosanganisira chenyika munguva yeRhodesia pamwe nekunge nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Akatambirawo zvikwata zvemunyika zvinoti Highlanders neChibuku Shumba asati aenda mhiri kwemakungwa uko kwaakaita mukurumbira kwazvo achitambira chikwata cheLiverpool asati aendawo kune zvimwe zvakawanda ikoko.

Byron Manuel, uyo aizivikanwawo neremadunhurirwa rekuti “Piripiri”, akaitawo mukurumbira achitambira zvikwata zvinoti Chibuku Shumba, icho chakazoshandura zita kuti Black Aces pamwe neRiodairibord.

Choto anoti zvakakosha kwazvo kuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vashandise mikana yavari kuwana mukusimudzira nyika pamwe nekutenda mabasa akaitwawo nevaive mberi kwavo.

Hurukuro naDarlington Choto
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG