Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanoti Zuva reKisimusi Ranga Rakafanana neMamwe Mazuva


Zimbabwe No Christmas
Zimbabwe No Christmas

Zuva reKisimusi rasvika rikadarika semamwe mazuva vakawanda munyika vachiti vatadza kuita mhemberero sezvavange vakaratirisa nezvikonzero zvinosanganisira kushaya mari pamwe nekutyira kutapurirwa denda reCovid-19.

Hama neshamwari neveruzhinji vanowanzoita mhemberero vachipembera zuva rakazvarwa Jesu Kiristu nekuita magungano mudzimba, mumahotera nedzimwe nzvimbo dzekutandaririra vanoti vatadza kuita izvi gore rino vachiti havana mari.

Nekuda kwaizvozvo vamwe vaswera vari mudzimba dzavo uyewo vamwe vaenda kumabasa.

Amai Ethel Nyikayedu vaudza Studio 7 kuti vaenda kuchechi ndokuzoswerazvavo pamba pavo nemhuri yavo.

Ambuya Emma Phiri avo vanotengesa pane mumwe musika, vaudza Studio 7 kuti kisimusi yegore rino yakasiyana nedzimwe uye havana mari ndosaka vaenda zvavo kumisika wavo.

Vamwe amai vanotengesa zvinhu pamusika naMbuya Phiri, avo vasina kuda kudomwa nezita ravo, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vaswera pamusika zvinhu zvange zvisiri kutengwa sezvo vanhu vawanda vari kuchema chema kuti havana mari.

Mumwe mugari wemuHarare, VaEmmanuel Chadzimura, vaudza Studio 7 kuti kimisimusi yavo yange yakanaka chose kunyange hazvo vaitambira pabasa.

Mumwewo mugari wemuHarare ati anonzi Brian audza Studio 7 kuti akatotodza kuenda kumusha kwake sezvanosiita makore apfuura nekuda kwekushaya mari.

VaJoseph Ncube, avo vanotengesa mune rimwe bhawa mumusha weBudiriro, vaudza Studio 7 kuti Kisimusi yegore rino yakaderera chose kana zvichienzaniswa nemwe makaore.

Mumwe muzvina bhisimisi ane zvitoro nemabhawa akawanda muHarare audza Studio 7 kuti kunyange hazvo vanhu vakambowanda nemusi weChina neChishanu, nhasi bhizimisi range rakaderera.

Asi mumwe mugari wemuHarare, VaBenias Garapo, vaudza Studio 7 kuti kunze kwekuoma kwaita hupenyu vanoona sekuti vanhu havana kuita sezvavanowanzoita makore ose sezvo vari kutya kubatwa nedenda reCovid-19.

Asi imwe nhengo yeZimbabwe National Traditional Healers Asssociation, VaPeter Mutandi, vaudza Studio 7 kuti ongororo yavaita nhasi yaratidza kuti veruzhinji havasi kutevedza nzira dzekudzvirira kupararira kweCovid-19.

Izvi zvatsinhirwa nemutauririri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, avo vakururidzira vemabhizimisi neveruzhinji kutevedzera nzira dzekudzivirira kupararira kweCovid-19 dzakaita sekupfeka mamasiki nekugeza maoko.

Zvichakadai VaNyathi vazivisa kuti pakafa vanhu vashanu nezuro manheru munjodzi yebhazi yegonyeti rainge rakatakura mafuta emotokari kwaMutare.

Vati pane vanhu makumi matanhatu vakakuvara munjodzi iyi uye makumi matatu vakaburitswa muchipatara uye vamwe makumi matatu vachiri muchipatara.

Zvichakadai, hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu gumi nevatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19, uye vamwe vanhu chiuru chimwe chete nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri vakafa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru mazana maviri nezviviri bnemazana manomwe nemakumi matatu nevatanhatu, uye vafa nechirwere ichi vava zviuru zvina nemazana masere nemakumi manomwe nemumwe chete.

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira nhasi Manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG