Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vosvibisa VaGumbo naVaMutasa?


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru

Mutungamiriri weZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru, vakataura mashoko akakatyamadza vanhu neSvondo apo vakati vanhu vavakadzinga mubato vaida kuvamanikidza kuita zvepabonde navo.

Vachitaura pamusangano wavakaita nehutungamiri hwebato ravo mudunhu reMasvingo neSvondo, Amai Mujuru vakati vakadzinga vamwe vavakavamba navo bato ravo, VaDidymus Mutasa, VaRugare Gumbo, nevamwe vavo nekuti vaida kuvachinjanisa pabonde vachivaita mudzimai wavo varume vose ava.

Amai Mujuru vakaenderera mberi vachiti vakatanga kunetsana na VaMutasa, VaGumbo nevamwe vavo apo vakavarambidza kuti vasashandise mari yebato vachizvipfumisa.

Vakatiwo VaMutasa pamwe na VaGumbo vairamba kuti vabatane nemamwe mapato kuitira kuti vakwikwdze uye vabvise mutungamiiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro musarudzo dzegore rinouya.

Vakati vakazoona kuti varume ava vaive vachiri kushandira Zanu PF nokudaro vakavadzinga kuti vasavavhiringe pachirongwa chekubatana nemamwe mapato akaita se MDC inotungamirwa na VaMorgan Tsvangirai.

Asi mumwe wevatauriri vevakadzingwa ava, VaKudakwashe Bhasikiti, vakaramba mashoko aAmai Mujuru vachiti manyepo.

VaBhasikiti vakati ivo hurongwa hwezimai renyuchi hwaisava hwekuita zvepabonde asi kuti hwaive hwekuvatsigira nekuvharidzira hurema hwavo hwekusagona kutungamirira bato.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMutasa kanawo VaGumbo kuti tinzwe mativi avo sezvo nhare dzavo dzanga dzichinetsa kubata kubva neMuvhuro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG