Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanopinda Munhandare Kunobatidza Moto weRusununguko Vari Mumotokari


Zimbabwe Independence Celebrations
Zimbabwe Independence Celebrations

Vanhu vakawanda vaungana kumhemberero dzaitirwa muNational Sports Stadium uko mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakurudzira vanhu kuti vabatane munyika.

Kekutanga mumakore makumi matatu nematanhatu apfuura, VaMugabe vapinda mukati menhandare kusvika pedyo nepanobatidzwa moto unoratidza rusununguko rwenyika vari mumotokari.

Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevanhu, VaMugabe vati zvakakosha kuti zvisinei vanhu vaine zvitendero zvakasiyana-siyana vachitsigira mapato akasiya-siyana, munhu wese mwana weZimbabwe, uye vanhu vanofanirwa kukudzana.

VaMugabe vati hurumende yavo inoziva kuti rusununguko pasina shanduko munyaya dzehupfumi pamwe nemagariro everuzhinji akanaka, hazvina zvazvinoreva vakati ndosaka hurumende yavo ichiramba yakashingaira mukuvandudza hupfumi hwenyika kuburikidza nezvirongwa zvakaita seZimbabweAgenda for Sustainable Socio-Economic Transformation, kana kuti ZimAsset.

VaMugabe vatiwo gore rino vanotarisira maguta asi vachema-chema nekusakadzwa kwemigwagwa nemafashamu akaitika munyika.

Kunyange hazvo ruzhinji rwuri kuchema-chema nemari iri kushaikwa kumabhanga, vanotengesa avo vanga vakazara zvikuru kumhemberero idzi, vati bhizimusi range richivafambira.

Mumwe wevange vachitora mifananidzo kuNational Sports Stadium, VaDarlington Kupfuma, vati zvinovafadza kuti kuburikidza nerusununguko vave kuitawo mabasa avo emaoko vakasununguka.

Amai Mirriam Chikonyora, avo vanoti vaive chimbwido munguva yehondo, vati zuva rerusununguko vanorikoshesa zvikuru. Vati vanoramba vachingotsigira VaMugabe kunyange musarudzo dziri kutarisirwa mugore ra2018.

Amai Chikonyora vati bato reZanu PF ndiro rega rine remangwana enyika rakajeka.

Vanhu vauya kumhemberero idzi vange vachifadzwa nezvakasiyana-siyana kusanganisira mutambo wenhabvu pakati peDynamos neHighlanders.

Zimbabwe yakawana kuzvitonga muna 1980, ikawana nyika iine hupfumi hwakawanda, vanhu vaine mabasa.

Asi nehutongi hunonzi nenyanzvi hauna kunaka, Zimbabwe yaparadza hupfumi hwayo izvo zvasiya vanhu vakawanda vasina mabasa, vazhinji vachidya nhoko dzezvironda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG