Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokurudzirwa Kutanga Kudzidzisa Vanhu Kunyoresa Kuvhota Patsva


Sangano reElection Resource Centre, kana ERC, riri kukurudzira Zimbabwe Electoral Commission kuti ichitanga kudzidzisa vanhu nezvekunyoresa kuti vavhote.

Izvi zvinotevera mashoko asachigaro wekomisheni iyi, Amai Rita Makarau, ekuti vanhu vachatanga kunyoreswa kuti vatange kuvhota muna Kubvumbi kusvika muna Mbudzi sarudzo dzichizoitwa gore rinouya.

Mumashoko ayo kuvatori venhau, ERC yati hurumende inofanira kupa ZEC mari kuti ikwanise kuita basa rayo nenguva sezviri mubumbiro remutemo.

Sangano iri rakurudzirawo hurumende nedare reparamende kuti vavandudze mitemo yose yesarudzo kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika.

Asi ERC yatendawo ZEC nekujekesa gwara rezvaichaita kusvika sarudzo dza2018 dzaitwa.

Hurukuro naVaTawanda Chimhini
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG