Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votarisira maWarriors Kushura Mare kuAFCON kuGabon


Khama Billiat naKuda Mahachi
Khama Billiat naKuda Mahachi

Mitambo yeAfrica Cup of Nations iri kutanga musi wa 14 Ndira kusvika musi wa 5 Kukadzi kuGabon. Zimbabwe iri muGroup B neTunisia, Algeria uye Senegal.

Aka ndekechitatu Zimbabwe ichienda kumakwikwi aya mushure nekuenda kuTunisia muna 2004 uye kuEgypt muna 2006.

Mutambo wekutanga weZimbabwe uri kutambwa musi wa 15 Ndira neAlgeria kuStade deFanceville. Ichazotambazve musi wa 19 Senegal uye neTunisia musi wa 23.

Mitambo yeAfrica Cup of Nations iri kutanga musi wa 14 Ndira kusvika musi wa 5 Kukadzi kuGabon. Zimbabwe iri muGroup B neTunisia, Algeria uye Senegal.

Zvichakadaro, vatsigiri vemitambo vanotiwo vari kutarisira shanduko mugore ra 2017. Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association VaJaphet Mhombera vanoti vari kutarisra shanduko mumaitiro ehurumende kuti ipewo mari kumitambo.

Hurumende yeZimbabwe haina nhoroondo yekupa vatambi mari asi VaMombera vanoti mari yakakosha pakuti inowedzera mwando muvatambi uyezve inokurudzira budiriro mune vechidiki.

VaTakawira Mthombeni avo vanove nhengo yevatsigiri venhabvu yeWarriors Fan Club vanoti varikutarisira kuti maWarriors achapa Zimbabwe matangiro egore akanaka nekutamba zvinofadza muma Africa Cup of Nations finals.

VaMthombeni vanoti vari kuona maWarriors achitora mukombe uyu nemhaka yagadziriro yanga ichiitwa.

MaWarriors arikutarisirwa kusimuka musi weChishanu vakananga kuCameroon munzira yavo yekuenda kuGabon.

Vaimbove mutungamiri weTennis Zimbabwe VaPaul Chingoka vanoti gore rino chikwata chenyika cheDavis Cup chinofanira kuratidza kuti mutambo uyu uchirimo munyika nekukunda muEuro-Africa Zone Group Three.

VaChingoka vanoti gadziriro yemakundano ayo arikutanga muna Kurume inofanira kutanga ikozvino.

Mukuru weOriental Boxing Promotions VaChris Malunga vanoti varikutarisira mutambo mukuru pakati paCharles Manyuchi naDanny Garcia wekuAmerica vachirwira bhande regoridhe reWorld Boxing Council.

Manyuchi anoti akatotanga kare gadziriro yemutambo mukuru uyu.

VaMalunga vanoti varikutaurirana nevanotungamira Garcia kuti vaone kuti mutambo uyu ungaitwe rinhi.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG