Accessibility links

Breaking News

Vane Husope Vonetseka neKutsvaga Mishonga yeGomarara


Kuwondomoka kwehupfumi hwenyika kwasiya mhuri zhinji dziri panyanga dzamushore kunyanya munyaya dzezvehutano.

Asi kuna Amai Winner Arimando nhamo yavo yakanyanyisa sezvo vaine vana vane husope avo vanoda zvinhu zvizhinji mukurarama kwavo. Pavana vavo vatatu, vaviri vacho vekupedzisira vakaberekwa vaine husope.

Vana ava vanosanganawo nematambudziko ekutarisirwa pasi nevamwe zvinova zvinoodza moyo waamai Arimando.

Amai Arimando vakabva vasiyiwawo nemurume wavo mushure mekubatsirwa vana vasope ava. Vanoti zvinhu zvakaoma kumunhukadzi kuti akwanise kuchengeta vana ari ega.

Winner Arimando anemakore gumi nemana uuye akaberekwa aine husope. Anoti akatanga kubuda bundu padama ari mugrade yechina. Bundu iri rinoda kuchekwa asi nekushaya mari kwamai vake,Winner uyo atove mufomu yekutanga anoti bundu iri riri kuramba richikura.

Amai VaWinner, uyo anoda kuzoita mukoti kana apedza chikoro, vanoti vakatoyambirwa nanachiremba kuti vakasakurumidzira kuraisa mwana wavo bundu iri rinogona kuzopedzisira chave chirwere chegomara.

Asi vanoti dambudziko rekushaya mari ndiro rakavabata kuti vaende nemwanasikana wavo uyu kunobviswa bundu iri.

Amai Arimando vanotiwo kuondomoka kwehupfumi hwenyika kwawedzera matambudziko evabereki vane vana vasope.

Vanoti hupenyu hwavo ndehwehwaku mukwaku izvo zvinoita kuti dzimwe nguva vatadze kutengera vanasikana vavo vaviri vane husope mafuta anodikanwa anobatsira kudzivirira zvirwere zvegomarara.

Amai Arimando vakaudzawo Studio 7 kuti pamusoro pehurombo vane dambudziko zvakare rekusatambirwa munharaunda yavo. Vanoti vanhu vazhinji havasati vatambira pamwe nekunyatsonzwisisa nyaya dzehusope.

Izvi zvatsigirwawo naWinner uyo anoti kusiyana kwake nevamwe vana kunokonzera kuti ashungurudzwe kuchikoro.

Amai Gwenlisa Mushonga vakavamba uye vari kutungamirira sangano reAlive Albinism Initiative vane husope vaudza Studio 7 kuti nhengo dzesangano ravo zhinji dziri kuchema chema nenyaya yekushungurudzwa. Vatiwo vabereki vazhinji havasi kuzvitambira kana vachinge vasununguka vana vane husope.

Amai Mushonga vanoti kuoma kwoita hupenyu rave dambudziko guru mukurarama kwavo. Vanachiremba vanokurudzira vane husope kuti vazore mafuta ekuti vasaite chirwere chegomarara.

Asi Amai Mushonga vanoti mari yekutenga mafuta ekuti vadzvirire zvirwere zvegomarara yakakwirira zvekuti ruzhinji harugone kuitenga.

Vasope ava vati shuviro yavo ndeye kuti hurumende iti vakwanise kurapwa pachena kudzivirira kubatwa nezvirwere zvakaita sezvegomarara.

Mumwe chiremba anoshanda mubazi rezvehutano, Dr Milton Chemhuru munguva shoma yapfuura vakamboudzawo vatori venhau kuti kurapwa kwechirwere ichi kunoda mari zhinji izvo zvinokonzera kuti kana iyo hurumende itatarike kubatsira vanobatwa chirwere chegomarara.

Mashoko aya anotsinhirwawo naDr Donald Mutangadura avo vanobatsira vane husope.

Bumbiro remutemo wenyika rinopa kodzero yehutano kumunhu wose, asi kuvanhu vakaita saWinner kodzero yehutano iyi chinongova chiroto.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG