Accessibility links

Breaking News

Khama Billiati naPeter Ndlovu Vopinda Munhoroondo yeNhabvu neSundowns


Khama Billiat
Khama Billiat

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma nemusi weMuvhuro vakatenda zvikuru chikwata cheSundowns chemuSouth Africa nekukunda Zamaleck yekuEgypt 3-1 mufainari yemukombe weCAF Champions League nemusi weSvondo.

Chikwata cheSundowns chinotambirwawo naKhama Billiat wekuZimbabwe uye china Peter Ndlovu samaneja.

Vaviri ava ndivo zvizvarwa zveZimbabwe zvekutanga kusimudza mukombe uyu.

Zvichakadaro, chikwata cheHighlanders chakabuda mumakwikwi eChibuku Super Cup mushure mekurowa 1-0 neNgezi Platinum Stars nemusi weSvondo.

Ngezi Platinum yave kutamba neFC Platinum mumafinals. FC Platinum yakakunda Harare city 3-0 nemusi weMugovera.

Fainari yeNgezi Platinum Stars neFC Platinum ichatambwa musi wa 5 Mbudzi. Asi vePremier Soccer League havasati vazivisa kuti fainari iyi ichatambirwa kupi.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu VaAndrew Rwodzi vanoti mutambo uyu waive wemhando yepamusoro vachiti ivo vakanakidzwa zvikuru.

Mutsigiri wenhabvu VaLainos Chimenya vanoti vaive vasingatarisire kuti Ngezi Platinum Stars ingarove Highlanders sezvo ivo vaingoti Ngezi chikwata chidiki

VaRwodzi vanoti vachitarisa FC Platinum neNgezi Platinum Stars vari kuona Ngezi ichitora mukombe nemhaka yekuti ine vatambi vakawanda vane ruzivo rwenhabvu yepamusoro.

Pakapedzisira kusangana FC Platinum neNgezi Platinum Stars zvikwata izvi zvakaita mangange 1-1 muMandava Stadium.

VaChimenya vanoti FC Platinum ingadai yakarohwa mumutambo uyu vachiti ivo izvi ndizvo zvichaitika mufainari.

Chikwata chichatora mukombe uyu chichamirira nyika muCAF Confederation Cup.

XS
SM
MD
LG