Accessibility links

Breaking News

Paramende Yokurudzirwa Kuvandudza Mutemo wezveHutano


Dr David Parirenyatwa
Dr David Parirenyatwa

Komiti yeparamende inoona nezvehutano inoti iri kushushikana nenyaya yekuti hurumende iri kutora nguva yakareba isati yavundudza mutemo wePublic Health Act izvo zvave kuita kuti hurumende itadze kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzezvehutano.

Vachitaura pamusangnao wange wakarongwa nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Humana Rights, sachigaro wekomiti iyi Dr Ruth Labode veMDC vati mutemo uripo wave nemakore anodarika makumi mapfumbabwe uye pave nemakore ava kusvika makumi maviri hurumende ichingoti ichauvandudza.

Pamusangano uyu munyori mukuru mubazi rezvehutano, Dr Gerald Gwinji, vaudza nhengo dzekomiti iyi kuti hurumende inoda chose kuvandudza mutemo uyu kuti uenderane nezviri kuitika panguva ino uye bhiri racho rave kubazi regweta guru rehurumende kana kuti Attorney General.

Asi Dr Labode vati hurumende yatora nguva yakareba isati yavandudza mutemo uyu nekudaro komiti yavo yatora danho rekukoka gurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa, Gweta guru rehurumende VaPrince Machaya pamwe nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika zvakare vari gurukota rezvemutemo, VaEmmerson Mnangagwa kuti vazotsanangura kuti sei hurumende iri kudya manonoko.

Dr Labode vanoti mutemo wePublic health Act semamiriro awakaita pazvino hauibvumidze kuti varapi vape vanhu vari pasi pemakore gumi nemasere mapiritsi ekuronga mhuri uye kuvarapa zvirwere zvepabonde kunyangwe paine humbowo hwekuti vari kuita zvepabonde.

Vaimbove mutevedzeri wegurukota rezvehutano, zvakare vari nhengo yekomiti iyi, Dr Paul Chimedza vati zvirwere zvizhinji zvange zvisiko panguva yakadzikwa mutemo uyu uye wave kufanira kuvandudzwa kuti hurumende ikwanise kurwisana nezverwere zvaveko mazuvano.

Vanotiwo hapana mutemo ungashandiswe nehurumende kuti itore matanho kune avo vanoita tsika dzinopa kuti zvimwe zvirwere zvipararire uye izvi ndezvimwe zvinogona kupinzwa mumutemo wePublic Health Act wakakavandudzwa.

VaFunny Munengami vanomirira Glen View muparamende zvakare vari nhengo yekomiti iyi vatiwo mutemo wePublic Health Act ukavandudzwa mabasa ehutano munyika anogona kubudirira chose.

Hatina kukwanisa kubata VaParirenyatwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Hatinawo kukwanisa kubatawo vamwe vakamboita makurukota ezvehutano mumakore apfuura vakaita saDr Timothy Stamps na Dr Henry Madzorera kuti tinzwe kuti sei vakatadzawo kuvandudza mutemo uyu.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG