WASHINGTON —
Mumhwanyi ane mukurumbira pasi rose Usain Bolt ari kutarisirwa kumhanya nhasi mumujahwo we200 meters.
Bolt akahwina menduru yegoridhe mumakundano aya kuLondon muna 2012. Bolt akatokunda mumakwikwi e100 meters akawana menduru yegoridhe.
Mumwe ari kukwikwidza akamirira America Dalilah Muhammed ari kutarisirawo kutora menduru yake yekutanga mumakwi e400 meters.
America inemenduru makumi mapfumbamwe neina dziyo ine menduru dzakawanda kumakwikwi aya ichiteverwa neChina ine makumi mashanu neina.
Britain ine makumi mashanu nembiri, Russia ine makumi mana neimwe.
Panyika dzemuAfrica, Kenya ndiyo iri pamusoro iri pachikamu chegumi nepfumbamwe iine mhenduru sere.