Accessibility links

Breaking News

Mari Yodirwa muMakwikwi eVictoria Falls Marathon


Marathon
Marathon

Vamhanyi venzendo refu vatarisana nemari yakabatwa nechando apo varikukwikwidza mumakundano eVictoria Falls Marathon nemusi weSvondo.

Vamhanyi gumi vekutanga vachawana mari yakawanda mushure mekunge vanoronga makwikwi aya vakaona zvakakodzera nemhaka yekurema kwakaita nzendo irikumhanyiwa iyi.

Vamhanyi vanodarika ivo chiuru chimwechete vachange vachikwikwidza nzendo inotenderera nemumakomo inosvika iyo makiromita makumi mana nemaviri.

Makundano aya arikuunganidza mhizha dzose dzekumhyanya nzendo refu kusanganisa Wirimai Juwao, Cuthbert Nyasango naPartson Ndlovu avo vakasarudzwa kunomirirra nyika mumakundano anenzendo yakadai kuma 2016 Olympic Games.

Juwao svondo rapera akakwikwidza muTanganda Half Marathon asi akashaiswa chekubata mushure mekupedza aripachinhanho chechishanu.

Mumhanyi weBlanket Mine Nkosiyazi Sibanda ndiye anemukombe uyu mushure mekukunda kwemakore mana adarika pamwe nekutora madhora mazana masere ayo anopihwa anenge akunda kuvarume nekuvanhukadzi.

Vachatora chinhanho chechipiri zvichidzikwa vachange vachigoverwa mari dzavo kubva pamazana manomwe zvichienda pasi zvichienderana nekuti apedza ari pachinzvimbo chipi

Gore rapera Thabita Tsatsa ndiye akatora mukome wevanhukadzi asi anofanira kukoka dzisimbe sezvo vamhanyi vakaita saMonica Kativhu, Chiedza Chokore, na Patience Murove uyo achangobva kukunda muTanganda Half Marathon vachange varimunhandare zvekare.

Makundano aya anoteverwa nechaunga muSouthern Africa zvekuti vamwe vamhanyi varikubva kunyika dzakatenderedza Zimbabwe dzakaita seSouth Africa, Zambia, Botswana, Lesotho, Malawi neSwaziland.

Munhau dzemitambo yeCastle Lager Premier Soccer League ayo apinda munharaunda yegumi nembiri, neMugovera mitambo yamira yakadai:

Dynamos 1-0 Bulawayo City

ZPC Kariba 0-0 Chapungu

Ngezi Platinum 2-1 How Min

Asi neSvondo kune mutambo wakaoma zvikuru pakati pechikwata chiri kutungamira cheHighlanders neChicken Inn iyo inemukombe uyu.

Panotamba zvikwata zviviri izvi hapadaidzwe anonzwa uyezve mwando wawedzerwa mushure mekunge Chicken Inn yakapa basa kuna Rahman Gumbo uyo aimborairidza Bosso kuti atungamire chikwata ichi.

Chirikushamisa ndechekuti kunyange Highlanders iri pamusoro soro pemutambo wayo parizvino kune vakawanda vanofunga kuti paChicken Inn Bosso haikwane semafungiro emumwe wavo vaMisheck Chisaga.

Asi muongorori wezvemutambo wenhabvu vaEvans Ngwere vanoti kunyange hazvo zvichiratidza kuti Chicken Inn iri pamberi zvishoma mumutambo wenhabvu panokwanisa kungoitika zvimwe.

Caps United iyo iri pachinhanho chechipiri pasi peHighlanders yatama musha kubva kuNational Sports Stadium kuenda kuRufaro Stadium.

Murairidzi wechikwata ichi Lloyd Chitembwe anoti haasi kufara nehuswa hwave muNational Sports Stadium zvekuti arikufunga kuti ruRufaro Stadium ingangove nani kutanga nemutambo wavo neHwange nesvondo.

FC Platinum irimunzira yakananga kuSakubva kunotamba neMutare City Rovers uko varikutarisirwa kudzoka nemapoinzi ese matatu izvo zvirikutarisirwawo paZPC Kariba iyo iripamusha neChapungu.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi……….

Border Strikers v Harare City

Triangle v Tsholotsho Pirates.

XS
SM
MD
LG