Accessibility links

Breaking News

Motokari Yaitandaniswa neMapurisa Inouraya Munhu Mumwe Chete, Vatatu Vakakuvara


Police in Zimbabwe block protesters demanding the return of women stranded in Kuwait. (Photo: Mavis Gama)
Police in Zimbabwe block protesters demanding the return of women stranded in Kuwait. (Photo: Mavis Gama)

Munhu mumwe chete akafa vamwe vatatu vakakuvara zvakaipisisa neChitatu manheru apo vakatsikwa nemotokari yaitandaniswa nemapurisa ekanzuru.

Mota yakatsika vanhu ava yainge ichitiza motokari yekambani yeClyna Trading iyo yakapihwa basa rekusunga mota dzinotyora mitemo yemimigwagwa muguta reKaroi.

Vakaona zvichiitika vanoti motokari yakatsika munhu yainge yambotiza mapurisa nguva dzemasikati apo yaitakura vanhu panzvimbo isingabvumirwe.

Zvinonzi vakazosangana nayo kumanheru vapedza basa apo vakaitandanisa izvo zvakazokonzeresa njodzi yakaitika.

Panjodzi yakaitika yakaurayisa Amai Chiedza Mandizvidza avo vainge vauya kuzooneka mumvana wavo Irene Mandizvidza pamusika wake apo anotengesa zvekudya.

Amai Mandizvidza vainge vauya kubva kumusha kuti vazotora maridzemaroja kumba kwavo mumusha unogara veruzhinji weChaedza muKaroi.

Amai Mandizvidza vakazonofira kuchipatara cheParirenyatwa mushure mekutakurwa kubva kuchipatara cheKaroi.

Munin'ina wemufi, Amai Mudiwa, vanoti vari kurwadziwa zvakanyanya nekufa kwemukoma wavo.

Amai Mudiwa vanoshoropodza hurongwa hwekambani yeClyna Trading hwekutandanisa motokari dzinenge dzichityora mitemo yemimigwagwa uye kushanda nguva dzisina kufanira.

Asi mukuru we kambani yeClyna, VaDaniel Mandizvidza, vanoti hapana mashoko avangataure pari zvino sezvo mapurisa achiri kuferefeta zvakaitika.

Hatina kunzwa divi rekanzuru yeKaroi sezvo sachigaro wekanzuru, Va Richard Ziki, vatiza vatori venhau pakamba yemapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwawo divi remapurisa panyaya iyi.

Mumwe wevakakuvara, Patrick Mandizvidza, mwana wemufi, Amai Madzizvidza, achiri muchipatara. Patrick anga achitarisirwa kuvhiyiwa sezvo asisakwanisi kubudisa mvura mumuviri.

Amai Mudiwa vanoti vashandi vekanzuru nevekambani yeClyna Trading vazvipira kutenga bhokisi remufi nezvekudya parufu.

Mapurisa vanonzi vakazokanda utsi hunokachidza nekupfura muchadenga kumisa veruzhinji vanga vorova vashandi veClyna nekanzuru mushure menjodzi.

Mugari wemuKaroi, VaJoel Zilala, vanoti pagara paine hukama hwakaipa pakati pevagari nekanzuru nekuda kwekutora kambani yeClyna Trading kuti ishande muKaroi.

Vanhu vakawanda vari kufa mushure mekutsikwa nemotokari dzichitandaniswa nemapurisa, mapurisa emakanzuru neveVehicle Inspection Department mumaguta akawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG