Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana neNyika dzePasi Rose Mukucherechedza World AIDS DAY


World Aids Day
World Aids Day

Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva reWorld
AIDS Day paine kurudziro yekupedza chirwere cheHIV/AIDS panosvika gore
ra2030.

Vachitaura pamhemberero idzi nhasi muChinhoyi, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Mangwiro, vati bazi ravo riri kurwisa chirwere cheHIV/AIDS zvakanyanya zvekuti vachazadzisa chinangwa chekupedza denda iri mugore ra2030.

Dr Mangwiro vati bazi ravo riri kuvaka zvipatara makumi matatu nezviviri munyika yose senzira yekuti munhu wese awane mukana wekurapwa kana ave kurwara.

Vachitaura pachiitiko chahasi, vakafanobata chigaro chemutevedzeri
wemukuru pamuzinda weAmerica, VaArt Brown, vati nyika yavo yakapa Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni mazana maviri negumi nematatu emadhora kana kuti US$213m munyaya dzezvehutano.

Mumwe mwana akazvarwa aine hutachiona hweHIV, Tsitsidzashe Mugari,
uyo akapedza zvidzidzo zvake zveA’ Level gore rakapera akurudzira
vanhu vanorarama neHIV/AIDS kuti vararame vaine tariro yekuzadzisa zvishuwo zvavo muhupenyu.

VaGodfrey Kamurai vekuMakonde vanorarama neHIV/AIDS uye vaine vana vapfumbamwe vati vakararamiswa nekunwa mapiritsi anoderedza hukasha hwechirwere ichii pamwe nekurudziro yanachiremba.

Pasi rose, vanhu vari kurarama neHIV vanosvika mamiriyoni makumi matatu nemasere, 38 million, uye kubva pakatanga kuzivikanwa HIV muna 1984, vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matatu nematanhatu, 36 million, vafa nechirwere ichi.

Zuva reWorld AIDS Day rinoyeuchidza vanhu kuti HIV haisati yapera kurwiswa.

Pari zvino mari zhinji yava kushandiswa mukurwisa chirwere cheCovid-19 mazuva ano, izvo zviri kupa kuti rubatsiro rwemari yekurwisa HIV hudzikire – chiitiko chiri kurwadza nyanzvi dzezvehutano pamwe neavo vanorarama neHIV/AIDS muZimbabwe nepasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG