Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voramba Kuti Typhoid Iri Kudzikira muNyika


Dr David Parirenyatwa
Dr David Parirenyatwa

Sangano ranachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti kunyange hazvo hurumende ichiti chirwere chemanyoka cheTyphoid chadzikira, humbowo hunoratidza kuti chirwere ichi chakateshera muguta reHarare nenzvimbo zhinji munyika.

Vachitaura mushure mekuenda kuchipatara cheBeatrice Infecttious Hospital muHarare uko kuri kurapwa vanhu vanfungidzirwa kuti vanetyphoid, gurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa vakati kanzuru yeHarare pamwe nebazi ravo vakamisa kupararira kwechirwere ichi.

Vakati pavanhu makumi mashanu vanofungidzirwa kuti vane typhoid kuchipatara ichi vazhinji vacho vaibva kuMbare uko kwashaya mwana ane makore gumi nematatu nechirwere ichi musi weKimusi.

Asi munyori mukuru weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights Dr Evans Masitara vati pane vanhu vakawanda zvikuru vari kubatwa neTyphoid muHarare nedzimwe nzvimbo munyika.

VaMasitara vati vanhu vakawanda vari kuenda kuzvipatara zvakazvimirira uye vane humbowo hwekuti nyaya yetyphoid haizi kutaurwa nemazvo nebazi rezvehutano.

Vanotiwo zvinosuwisa kuti vanhu vari kurwara nechirwere chinokwanisa kudzivirirwa uyewo vati vese vari kubata nezvirwere zvemanyoka vanofanira kuendesa kanzuru yeHarare nedzimwe dziri munzvimbo dzavanogara kumatare kuti varapwe pachena vachiti makunzuru ndiwo anebasa rekuona kuti vanhu vawana mvura yakachena uyewo kuti marara atakurwa.

Asi mutauririri we kanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti kanzuru yavo iri kurapa vanhu vese vane zvirwere zvemayoka pachena.

Humbowo kubva kubazi rezvehutano hunoratidzawo kuti mwedzi uno chete pane vanhu vanodarika zviuru gumi vakabatwa nezvirwere zvemanyoka munyika yese uye pane vanhu vana vakatofa nekuda kwezvirwere izvi munyika yese.

Zvirwere izvi zvakwanda kuMashonaland Central neManicaland kozotiwo Mashonaland West, Harare neBulawayo.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG