Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vopinda Muzvirongwa zveHIV/AIDS


Nyanzvi munyaya dzeHIV/AIDS dzinoti kuti Zimbabwe ibudirire mukupedza HIV/AIDS munyika, vechidiki vanofanirwa kupinda muzvirongwa zvekurwisa dambudziko iri pamwe nekudzidziswa kuzvichengetedza kana vachiita zvepabonde.

Mukuedza kurwisa HIV/AIDS mune vechidiki, hurumende yakabatana nemasangano akazvimirira mukuparura chirongwa chekudzidzisa vechidiki nezvedambudziko reHIV/AIDS, kuzvichengetedza panyaya dzepabonde pamwe nekukurudzira vechidiki vane HIV kuramba vachimwa mishonga yavanenge vanzi nana chiremba vanwe nguva dzose.

Imwe nyanzvi munyaya dzeHIV/AIDS, VaTrevor Chirimambowa, avo vanoshanda nesangano rinonzi Million Memory Project vanoti chirongwa che Ready Plus chakakosha zvikuru sezvo donzvo racho riri rekubatsira vechidiki kuti vachengetedze hutano hwavo kunyanya munyaya dzepabonde.

Amai Martha Maodzeke vanoshanda nesangano rinoshanda nevechidiki vane HIV/AIDS, reAfricaid /Zvandiri.

Amai Maodzeke vanoti vechidiki vanofanirwa kupinzwa muzvirongwa zvekurwisa kupedza chirwere chemukondombera, uye vachitungamira zvirongwa izvi.

Mukuru weRegional Psychosocial Support Initiatives, rimwe remasangano achange achitungamira chirongwa che Ready Plus, Amai Sibusisiwe Marunda, vanotiwo vachange vachikurudzira vabereki kuti vataure nyaya dzepabonde nevana vavo kuitira kuti vavachenjedze munyaya dzezve chirwere ichi.

Mumwe wevechidiki anoti anoda kudzidziswa pamwe nekukurudzirwa kuti varwise HIV/AIDS, Muzvare Samantha Moyo, anotiwo vechidiki vazhinji havana kusununguka kutaura nyaya dzepabonde kana dzeHIV/AIDS.

Mumwe wechidiki watakataura naye, Passion Mvenge, akakurudzira vechidiki kuti vasamhanyire kuita zvebonde.

Mvenge anotiwo kune avo vanokundikana kuzvibata, vanofanirwa kuzvidzivirira nguva dzose dzavanoita zvepabonde.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano, VaAldrin Musiiwa, vanoti mushure mekuona kuti vechidiki vakawanda ndivo vari kubatwa neHIV, hurumende yave kuita zvirongwa zvekurwisa HIV/AIDS zvinotungamirwa nevechidiki.

Ongororo yakaitwa muna 2015 inoratidza kuti dambudziko reHIV/AIDS riri kuvhiringawo zvakanyanya vechidiki.

Zimbabwe, sedzimwe nyika pasi rose, inoti iri kurwisa kupedza dambudziko reHIV/AIDS panosvika gore ra2030.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG