Accessibility links

Breaking News

Dhighiri raAmai Grace Mugabe Roferefetwa neZACC


FILE - President Robert Mugabe's wife, Grace Mugabe, looks on during a national church interface rally in Harare, Zimbabwe, Nov. 5, 2017.
FILE - President Robert Mugabe's wife, Grace Mugabe, looks on during a national church interface rally in Harare, Zimbabwe, Nov. 5, 2017.

Komisheni inoona nezvekudzivirirwa kwehuwori munyika, yeZimbabwe Anti Corrupition Commission, kana kuti ZACC, inoti iri kuongorora nyaya yekupihwa degree repamusoro rePhdD kwakaitwa Amai Grace Mugabe, zvichitevera kumhang'arwa kwenyaya iyi nevamwe vadzidzisi vepaUniversity of Zimbabwe.

Chikoro chepamusoro soro cheUniversity of Zimbabwe, chakaisa padandemutande gwaro rinonzi rakanyorwa naAmai Mugabe pavakaita degree ravo.

Izvi zvakaitwa padarika makore mana Amai Mugabe mushure mekunge vapedza zvidzidzo zvavo.

Izvi zvakamutsa mutauro sezvo izvi zvaifanira kuitwa pavakapedza zvidzidzo. Chinyorwa ichi chine dingindira rekuti “Changing social structure and functions of the family:the case of children's homes in Zimbabwe” chiri kunziwo nevamwe hachina kunyorwa zvakanaka uye ndechekuedza kudzivirira Amai Mugabe sezvo nyaya yavo yave kuferefetwa neZACC.

Vaimbove munyori wesangano revadzidzi vezvikoro zvepamusoro munyika, reZimbabwe National Students Union (ZINASU), VaMakomborero Haruzivishe, vaudza Studio7 kuti mukuru weUniversity of Zimbabwe, Professor Levi Nyagura, vari kuramba vachisvibisa zita rechikoro ichi nekuda kwemaitiro avo.

Vati VaNyagura vanofanira kudzingwa basa kana vakasabuda pachena kuti nyaya yaAmai Mugabe yakafamba sei.

Munyori mukuru muZINASU, VaAshley Pfunye, avo vanodzidza paMidlands State University, vaudza Studio 7 kuti nyaya yaAmai Mugabe yasvibisa chimiro chezvikoro zvese zvepamusoro munyika.

Vati vachaita zvese zvavanokwanisa kudzora chiremerera kuzvidzidzo nemagwaro edzidzo anopihwa muzvikoro izvi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaTinashe Muzamindo, vaudza Studio7 kutipanofanira kuitwa ongororo kuti paoonekwe kuti Amai Mugabe vakadzidzira PhD yavo here kana kuti kwete

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vatsinhirawo mashoko aya vachiti vanhu vanofanira kupihwa magwaro edzidzo zviri pajekerere.

Vakuru nevarairidzi vepaUniversity of Zimbabwe vari kuramba kutaura nezvenyaya yaAmai Mugabe.

Studio7 hainawo kukwanisa kutaura naAmai Mugabe panyaya iyi.

As mumwe mukuru paUniversity of Zimbabwe aramba kudomwa nezita rake sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau ati VaNyagura ndivo chete vanokwanisa kutaura nezvenyaya iyi. VaNyagura vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

Imwe nhengo yeZimbabwe Anti Corruption Commission, VaGoodson Nguni, vaudza Studio 7 kuti vachaongorora nyaya yaAmai Mugabe, asi vakati iri kure chose sezvo paine dzimwe nyaya dzakawanda dzavari kutarisa.

Vati nyaya yaAmai Mugabe iri pachinhanho chemazana maviri negumi nesere.

VaNguni vaudza Studio7 kuti nyaya yaAmai Mugabe yakamhan’arwa kukomisheni kwavo nevamwe varairidzi vepaUniversity of Zimbabwe, asi havana kudoma mazita avo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG