Accessibility links

Breaking News

Hama dzaVaMugabe Dzinoti Hadziwirirane naAmai Grace Mugabe


Amai Grace Mugabe.
Amai Grace Mugabe.

Hama dzevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, dzinoti hadziwirirane nemuroora wadzo, Amai Grace Mugabe, nekuda kwekusakudza vakuru mumhuri, uye kutsvinyira kwavanoita vemumhuri, pamwe nekutaura zvisina maturo izvo vanoti zvakakonzeresawo kusawirirana mubato reZanu PF.

Hama dzaVaMugabe dzinosanganisira mhuri yekwaMugabe, kwaJenami pamwe neyekwaMatibiri, dzinoti Amai Mugabe munhu asingatsiurike sezvo vaine pamuromo pasingamharwi nenhunzi.

Hama idzi dzinoti nekuda kwekusaremekedza vakuru vemumhuri, vainge vasisa fambidzane nemuroora wavo uyo asisaende kumusha kwaZvimba nekuti hapana anomufarira.

VaBen Matibiri vanoti Amai Mugabe munhu anotaura zvisina maturo nguva dzakawanda.

VaMatibiri vanoti Amai Grace Mugabe vainge vakasiyana zvikuru nemudzimai waVaMugabe wekutanga mushakabvu, Amai Sally Mugabe, uyo vanoti Ainge akanyarara uye aine rudo nevanhu vose.

Imwe hama yaVaMugabe yechidiki, Va Clemence Matibiri, vanoti Amai Mugabe vane nharo uye vanopikisana nevakuru mumhuri izvo zvakaita kuti vasagamuchirike kumusha kwaZvimba.

Mumwe muvakidzani waVaMugabe kumusha kwaZvimba, VaFidelis Chinhyanyi, vanoti vanoziva mudzimai waVaMugabe wekutanga Amai Sally zvakanyanya vachiti hunhu hwaAmai Sally hwaiyemurwa zvakanyanya nevemhuri pamwe nemunyika yose.

Asi VaMunyanyi vanoti Amai Grace Mugabe vaizivikanwa nekutuka kunyange zvinonyadzisira pavanhu nekudzikisira vanhu vakuru.

VaMunyanyi vanoti Amai Grace munhu aida kutonga tonga pese pavanenge vari izvo zvazokonzera kusawirirana mubato ravo reZanu PF.

Mumwe mugari wekwaZvimba asina kuda kudomwa nezita anoti Amai Grace Mugabe vanoita senzena nenyaya yekutukirira vanhu vose vavasingawirirane navo.

Vamwe vanoti zvakaita Amai Grace Mugabe zvekudyara mhodzi yekusawirirana mubato reZanu PF zvakazonakirawo nyika nekuti ndizvo zvakazoita kuti paite kudzingana mubato reZanu PF izvo zvakazokonzera kuti mauto atore masimba munyika, chiitiko chakafadza ruzhinji rwevanhu.

Wongororo yakaitwa neStudio7 inoratidzawo kuti vanhu vakawanda mubato reZanu pamwe nemunyika vakabatanidzwa nechishuwo chekumisa Amai Grace Mugabe kuti vasatore chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika icho vanga voda kutora pamusangano mukuru webato reZanu PF mwedzi unouya.

Amai Grace Mugabe vanga vopihwa mazita emadunhurirwa akawanda anosanganisira mazita akaita saMarujata rinoreva mudzimai anotaurisa uye anokonzeresa kusawirirana kwevanhu mumusha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG