Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoudzwa Kuti Amai Mugabe Havafanirwe Kupihwa Diplomatic Immunity


 Gabriella Engels recalls Grace Mugabe
Gabriella Engels recalls Grace Mugabe

Mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, havaifanirwa kunge vakadzivirirwa nemitemo ye diplomatic immunity gore rapera, nekuti havana kodzero yekuti vapihwe kudzivirirwa kwakadai.

Izvi zvabuda mudare remuPretoria apo magweta etsvarakadenga yemuSouth Africa, Muzvare Gabriella Engels, audza mutongi wedare kuti hurumende yemuSouth Africa yakakanganisa zvikuru payakati Amai Mugabe havaifanirwa kusungwa, uye kutongwa nematare edzimhosva zvichitevera kurova zvakaipisisa kwavakaita Muzvare Engels.

Nyaya yaMuzvare Engels iri kutsigirwa mudare nemagweta esangano reAfriForum, bato rinopikisa muSouth Africa, reDemocratic Alliance, sangano reFreedom Under Law pamwe neCommission for Gender Equality.

Rimwe remagweta aMuzvare Engels, VaGerry Neil, vaudza dare kuti kupa Amai Mugabe diplomatic immunity kwakanga kusiri pamutemo nokudaro dare rinofanirwa kupa mutongo wekuti Amai Mugabe vasachengetedzwa nemitemo kuitira kuti vaimswe mudare vachitongwa nemhosva yavakapara.

VaNeil vatiwo havatambire zvakataurwa nehurumende gore rapera zvekuti pasi pemitemo yepasi rose, South Africa yaisungirwa kuona kuti Amai Mugabe havasungwe, kanawo kumiswa pamberi pematare edzimhosva.

VaNeil vatiwo Amai Mugabe vakasiyana nemurume wavo uyo aive mutungamiri wenyika anofanirwa kunge achichengetedzwa nemitemo ye diplomatic immunity.

Vati mudzimai wemutungamiri wenyika akasiyana nemutungamiri wenyika, nokudaro mudzimai uyu anogona kusungwa kana akapara mhosva.

Amai Mugabe vakarova Muzvare Gabriella netambo yemagetsi pane imwe hotera muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Muhotera umu maigara vana vaAmai Mugabe, Chatunga na Robert Mugabe Junior.

Vachipa humbowo hwavo mudare, Muzvare Angels vati vanofara kuti pane matanho ave kutorwa. Vatiwo vakaregerera Amai Mugabe asi chikuru kwavari ndechekuti Amai Mugabe vamire pamberi pedare redzimhosva, vatongwe uyewo nekukumbira ruregerero.

Nhengo yesangano re Commission for Gender Eqaulity, Amai Zanele Ncwane, vati mhosva dzekushungurudzwa kwemadzimai mu South Africa, dziri kuwanda, naizvozvo matare edzimhosva anofanirwa kupa mitongo yakakodzera senzira yekuedza kupedza dambudziko iri.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa panguva inonzi yakaparwa mhosva naAmai Mugabe, Amai Maete Nkoane Mashabane, vakati vakatora danho iri nekuda kwekuti Zimbabwe inyika yakavakidzana neSouth Africa uyewo zvaive zvisinei nechekuita nekuti Amai Mugabe vaive munyika nemurume wavo panguva yakange ichiitwa musangano weSADC.

Asi magweta aMuzvare Engels anoti hurumende hayaifanirwa kunge yakapa Amai Mugabe diplomatic immunity.

Nyaya iyi ichange iri mudare neChishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG