Accessibility links

Breaking News

Silva Ogara Akafuridza Chigunwe Kuti Asadzingwa neDynamos


Dynamos FC
Dynamos FC

Murairidzi wechikwata cheDynamos Paolo Jorge Silva apunyuka murutsva mumutambo wake wekutanga wemitatu iyo akanzi anofanira kukunda kana kuti asiye basa.

Murairidzi wechikwata cheDynamos Paolo Jorge Silva apunyuka murutsva mumutambo wake wekutanga wemitatu iyo akanzi anofanira kukunda kana kuti asiye basa.

Kudzai Nyakasaka naRoderick Mutuma vakabatsira Silva mushure mekunwisa zvibodzwa izvo zvakasiya Dynamos ichikunda Mutare City Rovers 2-1 muSakubva Stadium neSvondo

Silva, uyo akapihwa mitambo mitatu kuti akunde kana kuti asiye basa, akabuda munhandare iyi achifara zvikuru asi haasati apunyuka sezvo achiri nemitambo miviri yaanofanira kukunda sezvo ari kusangana neCaps United svondo rino pamwe neHwange mumutambo uchazotevera.

Silva akatenda vatambi vake nekushanda zvakasimba kwavakaita mukubatsira kukunda akati zvibodzwa zvatanga kuuya uyezve zvicharamba zvichiuya.

Mumwe mutsigiri wechikwata ichi, VaFanuel Langwani, vanoti Dembare yamuka kubva muhope vachiyambira zvimwe zvikwata kuti zvicharohwa zvakaipa.

Asi mumwe mutsigiri weDembare anoti kukunda Mutare City Rovers kwangouyawo zvako sezvo vanga vachida kutanga nekurova Caps United mumutambo wavo uri muRufaro Stadium nesvondo.

Kukunda kwavakaita Mutare City Rovers kwasiya Dynamos yave pachinhanho chechipfumbamwe nemapoinzi mana kubva mumitambo mitatu.

Asi chikwata chiri kubhebha moto ndeche FC Platinum icho chakunda mumitambo yavo yese mitatu iyo yavatamba pari zvino.

Izvi zvinotevera kukunda kwavakaita Chapungu 1-0 ndokuenda pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League nemapoinzi mafumbamwe, maviri pamusoro peCaps United iyo yakarova Harare City 2-1.

Caps United yaive yakatungamirwa 1-0 ndokudzora kusvika pa 2-1 izvo zvakafadza zvikuru mumwe muteveri wechikwata cheMakepekepe ichi, VaJivas Muzondiwa.

Caps United yakenzana mapoinzi neChicken Inn iyo yakaita mangange 0-0 neHow Mine pamwechete neTriangle iyo yakadambura Border Strikers 1-0.

Gore rapera, Triangle yakapedza iri pachinhanho chechina asi mutungamiri wevatambi, Lameck Nhamo, anoti gore rino vanoda kupedza vari pamusororo soro.

Chikwata cheBulawayo City chakafamba nzendo refu chakananga kuKariba asi chikafambira zviripo mushure mekutora poindi imwe chete mumangange1-1 neZPC Kariba.

Chikwata cheZimbabwe chabuda mumakwikwi eUnder 20 World Trophy mushure mekukundwa zvekare asi ikozvino 50-22 neUruguay.

Zimbabwe yasara nemutambo mumwe chete neFiji asi uyu hausisina basa sezvo chinhanho chepamusoro chave kurwirwa pakati peUruguay neSamoa.

Munyaya dzekiriketi, zvinhu zviri kufamba zvakanaka muchikwata cheZimbabwe mumakundano ICC Twenty 20 women’s 2018 Africa World Cup qualifiers.

Chikwata chemaWomen’s Chevrons chakakunda mumitambo yavo yese mina yekutanga mushure mekurova Tanzania kaviri, Kenya, pamwe neUganda.

Makundano aya, nhasi ari pazororo asi achasimudzira hutsi zvekare muAlex pamwe nemuCountry Sports Club mangwana.

Mamiriro akaita zvinhu pari zvino ari kuratidza kuti chikwata chingangokwikwidza neZimbabwe zvine mutsindo ndeche Kenya icho chakakunda mumitambo yacho mitatu.

Chikwata chimwechete, ndicho chinoenderera mberi mumakundano aya.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG