Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokurudzira VaTrump Kusaita Zvemangoromera


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kumusangano weUNGA 2017
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kumusangano weUNGA 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:10:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakakatyamadza vanhu vakawanda pasi rose nemusi weChina nekushora kwavakaita mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, vachiti vanofanira kukurudzira runyararo pasi rose kwete kuda kuita zvemangoromera.

VaMugabe vakataura mashoko aya kuNew York muAmerica kumusangano mukuru wepagore weUnited Nations General Assembly, UNGA.

Mutungamiri wenyika haana kutaura nezvenyaya dzezvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nyaya inova yange yave rwiyo rwavo kumusangano uyu. VaMugabe vakati hapana chakaipa kuti VaTrump vazviridzire hwamanda asi vakati inofanira kunge ichitaura nezverunyararo pasi rose.

VaTrump vakasiya vamwe vatungamiri venyika dzepasi rose vasina neremuromo mushure mekunge vayambira North Korea kuti vaigona kuiparadza ikaramba ichipinda nemwenje mudziva ichisvokosva America neshamwari dzayo nekupota ichivhundutsira nekukanda zvombo zvemuchadenga.

Mutungamiri weAmerica akatsoropodzawo Iran, Venezuela nedzimwe nyika dzavakati hadziremekedze kodzero dzevanhu.

VaMugabe vakasetsa vamwe vatungamiri mudare iri apo vakafananidza VaTrump naGoriyati wemubhaibheri anongoziva kushandisa chisimba.

Vakatyorazve vanhu mbabvu apo vakati VaTrump vanofanira kuridza havo hwamanda yavo asi vachiita izvi mukuunza runyararo munyika dzepasi rose.

VaMugabe vakashorawo America nekubuda muchibvumirano chakanangana nekuchengetedza mamiriro ekunze cheParis Climate Agreement.

Asi VaMugabe vakati Zimbabwe haisi kuzongorega nyika dzakabudirira idzi dzichityora zvisungo zvechibvumirano ichi.

VaMugabe vakatiwo Zimbabwe ine hukama hwakanaka nesangano reUnited Nations asi vakati shuviro yavo ndeyekuti bazi rakakosha reUnited Nations Security Council rivandudzwe.

Dare reSecurity Council rine nyika shanu chete dzisingabude mudare iri uye dzine masimba ekuchinja zvinhu dzinoti Russia, America, China, France neBritain, uye nyika gumi dzisina masimba dzinoita majanho kugara mudare iri kwemakore maviri.

Panyika gumi idzi pane nyika nhatu chete dzemuAfrica dzinoti Ethiopia, Senegal neEgypt.

Asi Africa nedzimwe nyika dzinoda kuti nyika dziri mudare iri dzine masimba ekuchinja zvinhu dziwedzerwe kubva pashanu dziripo.

Sachigaro weMDC-T muAmerica, VaDen Moyo, vashora zvikuru VaMugabe vachiti vanoda kupindira nyaya dzisinei neZimbabwe uye vanoshora vatungamiri vavanoti vanotyora kodzero dzevanhu asi ivo kunyika kwavo vasingaremekedze vanovapikisa uye vachitonga nedemo.

Mashoko aya atsinhirwa naMuzvare Tsitsi Chiriseri, chimwe chizvarwa cheZimbabwe icho chakaratidzira muNew Yorl chichishora matongero aVaMugabe.

Muzvare Chiriseri vanoti muromo hauzarirwe nerwizi nekuti dai VaMugabe vaiita zvavanotaura, dai Zimbabwe isiri mukanwa mamupere.

Asi mumwe muzvinafundo paMalone University kuOhio muAmerica, VaMoses Rumano, vanoti vafadzwa zvikuru nemashoko aVaMugabe ekutsiura VaTrump.

Kunyange hazvo zvakabuda pachena kuti VaMugabe vakange vachinetsekana nekufamba pavakange vachienda kunotura mashoko avo kudare reGeneral Assembly, vakawanda vanoti vange vachiratidza kuti hutano hwavo huri nani.

Musangano weUNGA uyu ndewechimakumi manomwe nembiri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG