Accessibility links

Breaking News

Vechidiki muZimbabwe Vobatana neVamwe muAfrica Mukupeta Chirongwa cheMandela Washington Fellowship


Mushakabvu Nelson Mandela
Mushakabvu Nelson Mandela

Vechidiki vemuZimbabwe makumi mane nevaviri vabatana nevamwe muAfrica kupinda muhurongwa hwemazuva maviri hwekupedza zvidzidzo zvavo zvehutungamiri pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship kana kuti YALI hunokokerwa nehurumende uchiitwa gore roga roga.

Musangano wanhasi uyo uri kuitwa padandemutande senzira yekudzivirira kupararira kweCOVID-19, unouya mushure mekunge vechidiki ava vapedza zvidzidzo zvehutungamiriri nekuita mabhizimisi pazvikoro zvepamusoro zvekuAmerica. Zvidzidzo izvi zvakaitwawo padandemutande.

Mumwe ari kupinda mumusangano uyu, mukuru wechipatara cheMen’s Health Clinic muHarare, VaBenjamin Ncube, avo vanoti kunyange hazvo vasina kuenda kuAmerica sezvaita zvikwata zvapfuura vakadzidza zvakawanda pachirongwa ichi.

VaNcube vakaita zvidzidzo zvavo kuDrake University vanotiwo chirongwa ichi chichaitawo kuti vanhu vakwanise kubatsira vanhu vari munharaunda yavo uyewo chichavavhurira mikana yakawanda pabhizimisi ravo.

Munyori muchikamu chevechidiki mubato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance, VaGift Ostallos Siziba, vari kupindawo mumusangano uyu uye vati chirongwa ichi chakakosha zvikuru.

VaSiziba avo vaiita zvidzidzo neUniversity Georgia vanotsanangura zvikuru zvavakadziza muchirongwa ichi.

VaSiziba vatiwo chimwe chavakadzidza ndechekuti vechidiki vanofanira kushanda kuti mabasa avo azikanwe munharaunda dzavanogara uye kuti vaye vanopinda muzvigaro zvehutungamiriri vaite basa ravo zvakarurama.

VaSiziba vatiwo kunyange hazvo vaine zvikwanisiro, zvidzidzo zvavo zvaipota zvichivhiringwa nenyaya dzekuenda kwemagetsi izvo zvaizoita kuti vatadze kuenda pamadandemutande.

Vechidiki ava vangadai vakaita zvidzidzo izvi muna 2020 asi zvakazotadza mushure mekutanga kwedenda reCovid-19 iro rakatazokonzeera kuti vaite zvidzidzo izvi gore rino pamadandemutande.

Kusvika pari zvino pave nevechidiki vanodarika mazana maviri vapinda muchirongwa ichi kubvira pachakatanga mun 2014. Vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama ndivo vakachiparura.

VaPride Mukono avo vakapinda muchirongwa ichi muna 2018, vati YALI chirongwa chakanaka chinoumba munhu kuti ave mutungamiriri ane hudzamu pamwe nekushanda nevamwe vatungamiriri vechidiki kubva kune dzimwe nyika dzemuAfrica nedzimwe pasi rose.

Chirongwa ichi chine chinangwa chekuumba vatungamiriri vakarurama vane hunyanzvi hwakadzama mune zvematongerwo enyika, mabhizimisi, kanzuru, mudzihurumende nemasangano akasiyana siyana.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG