Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi Chipiri, Mbudzi 29, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapato anopikisa ari pasi pemubatanidzwa weNational Electoral Reform Agenda oronga kuratidzira muHarare mangwana achiti haasi kufara nenyaya yemari yemabond notes yakaparurwa nezuro uye mamiriro akaita zvinhu.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kuCuba kunochema vaimbova mutungamiri wenyika iyi VaFidel Castro.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nemagweta vozeya nyaya yemabond notes nezvaanoreva kunyaya dzezvehupfumi.

Hurumende nemasangano akazvimirira vocherechedza mazuva gumi nematanhatu ekuchengetedza kodzero dzemadzimai nevanasikana kana kuti 16 Days Of Gender Activism.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-The Connection nhasi tiri kutarisa nyaya yemabond notes nezvaanoreva kune vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook re VOA SHONA peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chipiri, Mbudzi 29, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG