Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 19, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa anokanda zvombo zvehutsi hunokachidza pamusha panga pakaungana nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzinosanganisira Muzvare Thokozani Khupe kuLupane Matabeleland North.

Vagari vekuKariba vofarira nguva dzinenge chikwata chavo cheZPC Kariba chinenge chichitamba muNyamhunga Stadium sezvo vachishandisa mukana uyu kutengesa hove kuvanhu vanenge vashanyira guta ravo vachizoona mutambo wenhabvu.

Mutungamiri wenyika,VaRobert Mugabe, vonanga kumusangano kuMexico uko vachaperekedzwa naVaSavior Kasukuwere, avo vachiri kuferefetwa nenyaya yekunzi vaida kupidigura VaMugabepachigaro.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisakutyorwa kuri kuitwabumbiro remitemo yenyika nemapurisa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG