Accessibility links

Breaking News

Senegal Inorova Zimbabwe 1-0


L'attaquant sénégalais Keita Balde (à gauche) rivalise avec le défenseur zimbabwéen Gerald Takwara (2e à gauche) lors du match de football du groupe B de la Coupe d'Afrique des nations (CAN) 2021 entre le Sénégal et le Zimbabwe au stade de Kouekong à Bafo
L'attaquant sénégalais Keita Balde (à gauche) rivalise avec le défenseur zimbabwéen Gerald Takwara (2e à gauche) lors du match de football du groupe B de la Coupe d'Afrique des nations (CAN) 2021 entre le Sénégal et le Zimbabwe au stade de Kouekong à Bafo

Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors chiri mukuchema mushure mekurohwa neSenegal mumutambo wacho wekutanga weAfcon 2021 .

Zimbabwe yese iri kuchema zvikuru mushure mekunge chikwata chayo charohwa 1-0 neSenegal mumutambo wacho wekutanga wemakwikwi e 2021 Afcon ari kuitirwa kuCameroon.

Chiri kurwadzazvakanyanya ndechekuti chikwata ichi charohwa nepenareti munguva yekuwedzerwa mutambo wapera apo zvikwata zviviri izvi zvanga zviri mangange 0-0.

Penareti iyi yakandwa naSadio Mane weLiverpool mushure mekunge Kelvin Madzongwe anzi apiringisha mumwe mutambi.

Zimbabwe yanga iri pamberi kudarika Senegal zvekuti kukundwa uku kuri kupesana nemafambiro emutambo.

Munyori mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaJoseph Mutawu, vanoti maWarriors aita munyama.

Asi veruzhinji vafara nematambiro aita chikwata chavo zvichiratidzwa nemufaro wanga uri munzvimbo dzekutandarira umo vakawanda vanga vakaungana vachiona mutambo uyu.

Hapana kusanganisira munyika muno anga achitarisira kuti chikwata ichi chichatamba zvakadai asi chazviita.

Veruzhinji vave nechivimbo mumitambo inotevera neMalawi neGuinea.

Mutambo weZimbabwe unotevera, uriko neChishanu, apo maWarriors ari kusangana neMalawi, iyo inotarisirwa pasi pasi mugungano iri.

Kalisto Pasuwa, uyo aimborairidza maWarriors, ari kubatsira chikwata cheMalawi kumakwikwi aya.

Mumitambo yakatambwa nezuro, Cameroon yakakunda Bukina Faso 2-1, ukuwo Ethiopia ikarohwa 1-0 neCape Verde.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG