Accessibility links

Breaking News

SADC Yoita Musangano weChimbichimbi Kuitira Kuti Izeye Mamiriro Akaita Zvinhu muMozambique


General Constantino Chiwenga
General Constantino Chiwenga

Vatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica, kana kuti SADC, vari kuita musangano wechimbi chimbi muLilongwe kuMalawi vachizeya mamiriro akaita zvinhu kuMozambique.

Musangano wemazuva maviri wakatanga nezuro Zimbabwe ichimirirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.

Musangano uyu wakatanga nekuita musangano wechimbi chimbi weSADC Troika uchizeya mafambiro ari kuita zvinhu muMozambique zvichitevera kutumirwa kwakaitwa mauto kuMozambique kuitira kuti amise Mabasa evanopfurikidza mwero.

Musangano uyu waikokerwa nasachigaro weSADC Troika, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa. Dzimwe nyika dziri muTroika dzinoti Botswana neNamibia.

Asi mutungamiri weMozambique, Va Filipe Nyusi, vakapindawo mumusangano uyu sezvo vaifanirwa kuudza SADC Troika mamiriro akaita zvinhu munyika mavo.

Pamusoro penyika idzi, SADC Troika yakanzwawo kunyika dziri kubatsira Mozambique kuitira kuti zvinhu zvigadzikane.

VaChiwenga vari kuperekedzwa kumusangano uyu negurukota rezvekunze kwenyika, VaFredrick Shava, pamwe negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri.

VaRamaphosa vakati hutororo huri kuitika mudunhu reCabo

Delgado idambudziko redunhu rose uye hunodzosera kumashure budiriro yakaitwa neSadc makore makumi mana adarika.

VaRamaphosa vakati mauto akatumirwa neSADC akaita kuti pave neruyamuro rwuri kuenda kunzvimbo dzine kusagadzikana muMozambique.

VaRamaphosa vari kutarisirwa kuudza musangano mukuru weSADC nhasi zvakabuda mumisangano yavakaita iyo vaikokera nezuro sasachigaro weSADC Troika.

Musangano wanhasi uchange uchikokerwa nasachigaro veSADC uye vari mutungamiri weMalawi, VaLazarus Chakwera.

SADC inotarisirwa kubuda nezvisungo pamamiriro akaita zvinhu muMozambique.

Asi kuenda kwaVaChiwenga kuMalawi kwasimudza mibvunzo yakawanda.

Mutauriri weMDC T, VaWitness Dube, vanoti kuenda kwaVaChiwenga kuMalawi inyaya yakanaka sezvo vachifanirwa kuwana mukana wekumiririra nyika.

VaDube vanoti sezvo nyaya iri kukurukurwa iyine chekuita nehondo, VaChiwenga ndivo vakanyatsokodzera sezvo vaiva mukuru wemauto.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti kuenda kwaVaChiwenga kumusangano weSadc mucherechedzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muhurumende sezvo vave kuratidza kuti vane simba sezvo zvisati zvamboitika kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika apinde misangano yakadai.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, vanoti hapana chinoshamisa kuti VaChiwenga vaenda kumusangano weSadc sezvo vakatumwa nemutumgamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vanogona kutuma chero gurukota kuti rivamiririre.

Sangano reUnited Nations rinoti vanhu vanopfuura mazana manomwe ezviuru vakatiza misha yavo mudunhu reCabo Delgado, uye mazana nemazana evanhu vanonzi vafa mumhirizhonga iri kuitika kuMozambique.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG