Accessibility links

Breaking News

Musangano weUnited Nations General Assembly Unoenderera Mberi kuNew York


Mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe.
Mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe.

Musangano we United Nations General Assembly uri kuenderera mberi kuNew York vatungamiriri wenyika dzepasi rose vachitaura pamusoro penyaya dzinobata nyika dzavo nepasi rose.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe neMuvhuro vakapa nhunha dzavo kunyika dzavakati dzinozvipa hukuru hwekubvundutsira pamwe nekumanikidza nyika dzisina masimba kutambira zvadzinoda idzo.

Vachitaura kumusangano wechimakumi manomwe uyu, VaMugabe vakatorawo mukana uyu kushora hungochani, uhwo vakati huri kumanikidzwa kunyika dzisina masimba dzakaita seZimbabwe.

Vakatiwo America ino fanirwa kubvisa zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika, vachiti zviri kuita kuti nyika itadze kusimukira.

VaMugabe vakatiwo Zimbabwe ine runyararo uye haidi hondo kanawo kupindira kwevekunze kuti vakwanise kuchinja hurumende yeZimbabwe.

Vakabatawo pane zvinhu zvakawanda zvinobata Africa, sasachigaro weAfrican Union.

Vachidoma America nezita, VaMugabe vakati havazive kuti chii chaicho chakaitwa neZimbabwe chakatsamwisa America kuti itemere Zimbabwe naivo VaMugabe nevamwe vavo zvirango.

VaMugabe vakati Zimbabwe inoda kushanda nekudyidzana nedzimwe nyika zvakanaka zvisineyi kuti nyika idzi ihombe here kana kuti idiki.

VaMugabe vakashoropodzawo nyika dzakabudirira idzo vakati dziri kuzviita ma prefect epasi rose dzichimanikidza kuti nyika dzose dzitambire nyaya dzehungochani.

Vakati nyika dzemu Africa nedzimwe dzichiri kubudirira hadzisi kufara kuti musangano wegore rino wauyazve asi pasina zviri kuitwa zvekuti UN Security Council neGeneral Assembly zvivandudzwe.

VaMugabe, avo vanoshoropodzwa vachinzi vanotyora kodzero dzevanhu munyika, zvinova zvimwe zvakaita kuti vatemerwe zvirango zvehupfumi uye zvekurambidzwa kushanyira dzimwe nyika dzekuEurope neAmerica, vakati nyika dzakabudirira dziri kushandisa nyaya yekodzero kumbunyikidza nyika diki dzadzisingawirirani nadzo.

Vakapedza kutaura kwavo kuvatungamiriri vepasi rose vachiti Zimbabwe inoda runyararo asi haiidi kuti vanhu vekunze vapindire munyaya dzayo.

United Nations Secretary General Va Ban Ki-Moon ndivo vakavhura musangano uyu vachiratidza kushushikana kwavo nenyaya yehondo nemvonga mupopoto munyika dzakawanda dzinosanganisira Syria.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG