Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yowedzera Mutero weKutumira Mari yeMadhora ekuAmerica


Zimbabwe Minister of Finance Mthuli Ncube
Zimbabwe Minister of Finance Mthuli Ncube

Hurumende yawedzera mutero wekutumira mari yemadhora ekuAmerica kuchishandiswa madandemutande ichibva pachikamu chimwechete kubva muzana kana kuti 1% ichienda pazvikamu zviviri kubva muzana kana kuti 2%.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vazivisa izvi vachishandisa mutemo wechimbichimbi kana kuti Statutory Instrument 80 wegore ra2024.

Kutumira mari yemunyika yemaZiG kucharamba kuine mutero wezvikamu zviviri kubva muzana kana kuti 2%.

Vezvemabhizimisi vava nenguva vachikurudzira hurumende kuti ibvise mitero iyi sezvo vari kuti inowedzera mitengo yezvinhu.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuti kuwedzera mitero iyi kuchaita kuti vanhu vasade kushandisa mabhanga sezvo zvichizovadhurira kutumira mari.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaRejoice Ngwenya vesangano reCommon Markets for Liberal Solutions vaudza Studio7 kuti havana havo kutarisira kuti izvi zvichakwidza mitengo yezvinhu zwakanyanya.

Forum

XS
SM
MD
LG