Accessibility links

Breaking News

France Yowana Imwe Mhando yeCovid-19 Asi WHO Ichiti Vanhu Vasanyanye Kutya Havo


France inoti yakawana imwe mhando itsva yeCovid-19 inonzi IHU iyo ichiri kuongororwa hayo kuti inokonzera hurwere hwakaita sei navanamazvikokota munya dzezvirwere.

Mhando yeIHU iyi inonzi yakawanikwa mune munhu ainge ashanyira nyika yeCameroon.

Pari zvino, vatambi venhabvu vemunyika nevamwe vemuAfrica vari kuCameroon kumakwikwi eAfrica Nations Cup.

Asi vachitaura nenhepfenyuro yeBloomberg nevamwe vatori venhau nemusi weChipiri, vanoona nezvezvirwere zvitsva musangano reWorld Health Organization, VaAbdi Mahamud, vanoti mhando itsva yeIHU iyi haisi hayo kunyanya kuvavhundutsa sezvo isiri kupararira zvakanyanya kubva zvayakatanga kuonekwa uye vave nenguva vachiiongorora.

Nyanzvi munyaya dzezvezvirwere zvekutapuriranwa, Muzvinafundo Davison Saungweme, avo vanodzidzisa paUniversity of North Georgia muno muAmerica, vari kukurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba yeCovid-19 sezvo chirwere ichi chiri kuramba chichiuya nedzimwe mhando.

Muzvinafundo Sangweme vaudza Studio 7 kuti zvirwere zvemavirus zvakaita seCovid-19 zvinoramba zvichiuya nedzimwe mhando. dzimwe mhando itsva dzinogona kuuraya vanhu, asi dzimwe dzinenge dzisina simba rakanyanya.

Zvichakadaro, vanhu makumi matatu nemumwe vakafa nechirwere ichi nezuro zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemakumi manomwe nevasere.

Vanhu chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumu mapfumbamwe nemumwe chete kana kuti 1 591 vakabatwa nechirwere ichi nezuro.

Izvi zvakasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru mazana maviri negumi nezvinomwe nemazana matanhatu nemakumi manomwe nevasere, kana kuti 217 678.

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru zana nemakumi mana nechimwe zvine zana nemakumi mashanu nevasere, kana kuti 4 141 158.

Vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru zana nemakumi mashanu nezvitatu zvine makumi mashanu nevasere ,kana kuti 3 153 058.

Vanhu vabayiwa nhomba katatu zvikuru vanoshanda muzvipatara, vakwegura nevari munjodzi yekurawara zvakaipisisa vakabatwa nechirwere ichi vave zviuru zvinomwe nemazana maviri nemakumi mashanu nevana kana kuti 7 254.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Hurukuro naMuzvinafundo Davison Sangweme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG