Accessibility links

Breaking News

VaFidel Castro vekuCuba Vanoshaya


Mifananidzo yaVaCastro
Mifananidzo yaVaCastro

Mutungamiri wenyika yeCuba VaRaul Castro vazivisa kuti mukoma wavo uye vakambotungamira nyika iyi VaFidel Castro vashaya. Vange vave nemakore makumi mapfumbamwe.

VaRaul Castro vachizivisa nyika nezverufu rwaVaFidel Castro
VaRaul Castro vachizivisa nyika nezverufu rwaVaFidel Castro

VaFidel Castro vaitungamira hurumende yegutsaruzhinji iyo yakamboda kupidigurwa neAmerica ichishandisa vainge vapanduki asi izvi hazvina kubudirira.

Hondo yemuna 1961 iyi inozivikanwa nekuti Bay of Pigs. Muna 1962 Cuba yakanetsanawo zvakasimba neAmerica apo yainge yatenderana neSoviet Union kuti iise chombo chayo chenuclear muCuba. Izvi hazvina kufarirwa neAmerica iyo iri pedyo zvikuru nenyika yeCuba.

VaFidel Castro nemutungamiri weRussia VaNikita Khrushchev muna 1960 kuUnited Nations.
VaFidel Castro nemutungamiri weRussia VaNikita Khrushchev muna 1960 kuUnited Nations.

VaCastro vakakwanisa kurarama kusvika America yabvisa zvirango zvayakatemera Cuba muna Kurume 2016.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama pavakazivisa kuti zvirango zvabviswa vakabva vashanyira Cuba.

VaCastro varikutarisirwa kupiswa kusvika vaita dota nemusi weMugovera.

Cuba Fidel
Cuba Fidel

Ndiyani Fidel Castro?

VaFidel Castro vakaberekwa musi wa 13 Nyamavhuvhu 1926 vakakura kuita mumwe wevakatungamira kurwisa hurumende yehudzvanyiriri yaVaFulgencio Batista.

Vakatungamira magandanga akabvisa nechisimba hurumende VaBatista muna 1959.

Kudyidzana neZimbabwe neAfrica

Mumazuva ekutanga VaCastro vaidyidzana zvakanyanya nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. Zimbabwe yaitumira vanhu kunodzidza kunyika yeCuba. Mazuva ano Cuba yange ichimbotumirawo madhokotera kuZimbabwe.

VaFidel Castro naVaRobert Mugabe
VaFidel Castro naVaRobert Mugabe

VaCastro vaitumirawo mauto kune dzimwe nyika dzakaita seAngola munguva yaizivikanwa kuti Cold War painetsana nyika dzaitsigira America nedzaitsigira Soviet Union.

VaFidel Castro
VaFidel Castro

Kuenda pamudyandigere

Kunyangwe vainge vakarimirana kumuganhu uye nyika yavo yakatemerwa zvirango neAmerica, VaCastro vakatungamira nyika yavo kubva muna 1959 kusvika muna 2008 apo vakaenda pamudyandigere vachisiya VaRaul Castro vachitora chigaro chekutungamira nyika. Vamwe vanoti VaCastro vakaita zvakawanda munyaya yedzidzo nezvehutano kusimudzira Cuba. Asi vamwe vanoti mukuita izvi vaityorawo kodzero dzevanopikisa.

XS
SM
MD
LG