Accessibility links

Breaking News

VaPutin naVaXi Voita Musangano weKusimbaradza Hukama


VaVladimir Putin veku Russia naVaJinping
VaVladimir Putin veku Russia naVaJinping

Mutungamiri wenyika yeRussia, VaVladimir Putin vari muChina uko vari kuita misangano nemutungamiri wenyika iyi VaXi Jinping.

Vaviri ava vakaita hurukuro dzehondo iri kurwiwa pakati peRussia neUkraine uye nezvekudyidzana kwenyika dzavo. Musangano uyu unonzi ndewe kuratidzavo dzimwe nyika kubatana kweRussia neChina.

Asi musangano uyu wakatariswa zvikuru neAmerica, iyo yakayambira China kuti isiyane nekutsigiea Russia nezvombo zvekurwisa Ukraine.

VaXi vakatobuditsa gwaro rine hurongwa hwavanofunga kuti hukatevedzerwa hunomisa hondo pakati peRussia neUkraine. Gwaro iri rakatambirwa nekurumbidzwa naVaPutin. Asi nyika dziri mugungani reNorth Atlantic Treaty Organization kana kuti NATO dzinosanganisira America dzinoti hadzitambire hurongwa uhu.

America yakawedzerawo mitero pane zvinhu zvinotengwa kuChina izvo zvopa kuti paitewo zinyekenyeke pakudyidzana kwenyika mbiri idzi.

Vanoongorora nyaya dzezvematongero enyika, vachiita zvidzidzo zvepamusorosoro paHoward University, VaCalvin Manduna, vanoti VaPutin naVaXi vari kuyedza kuratidza pasi rose kuti vakabatana asi izvi zvinopesana zvikuru nenyika dzakawanda pasi rino dziri kushora Russia nekuda kupamba nyika yakazvimirira yoga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG