Accessibility links

Breaking News

Neville Mutsvangwa, Mwanakomana weGurukota reHurumende, Anonzi Asungwa neMhosva yeKuchinja Mari Zvisiri paMutemo


VaChris Mutsvangwa
VaChris Mutsvangwa

Bepanhau reNewsDay rinoti mwanakomana wegurukota rezvemadzimai, Amai Monica Mutsvangwa, nemutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, Neville, asungwa nemapurisa kumba kwake kuMount Pleasant achipomerwa mhosva yekutenga nekutengesa mari pamukoto.

Tayedza kubata Amai Mutsvangwa pamwe nemurume wavo VaMutsvangwa asi vose vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo, uye vanga vasati vapindurawo mibvunzo yatavatumira tisati taenda pamhepo.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vave nemashoko ari pamusoro penyaya iyi asi vavimbisa kuti kana kana vangove nemashoko vanotizivisa, vakakumbira vatori venhau kuti vamirire mashoko avachaburitsa kana paine zvaitika.

Pachirongwa chekusunga vari kuchinja mari zvisiri pamutemo chiri kushanda mapurisa akabatana nebazi reFinancial Intelligence Unit reR-B-Z pamwe nebazi rezvemari, Assistant Commissioner Nyathi vati basa riri kuenderera mberi.

"Anenge awanikwa achipara mhosva anosungwa. Awanikwa achiita zviri kunze kwemutemo zvekudzosera nyika kumashure, zvekuda kuti muve nenyonganyonga munyika, mutemo unoita basa rawo."

Kunyange hazvo mapurisa nehurumende vari kuti vari kuita basa riri kubudirira, vakawanda vari kuti vanhu vari kungosungwa vachipomerwa mhosva yekuchinja mari zviri kunze kwemutemo ihove diki, vacho chaivo vari kuvatuma nekuwana mari kubva kumabhanga vari kusiiwa.

Asi Assistant Commissioner Nyathi vati, "Ndosaka ndiri kuti Mukoma Jonga mirai muzoona mashoko akazara achaburitswa nemapurisa. Haitidi kuti timhanye. Ngatimirireyi mozoona mashoko achaburitswa nemapurisa. Mozoona kuti vari kutaura ava vari kutaura chokwadi here kana kuti havasi kutaura chokwadi."

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG