Accessibility links

Breaking News

Zambia Inoti Yave Kushanda Zvakasimba Kupedza Huori muBazi rezveHutano


Mutungamiri weZambia VaHakainde Hichilema
Mutungamiri weZambia VaHakainde Hichilema

Vakuru vehurumende yeZambia vanoti huori hwakatekeshera mune mamwe mapazi ayo zvichikonzerwa kunyanya nevanenge vachida chiokomuhomwe kuti vakwanise kubatsira vanhu.

Bazi rezvehutano muZambia rinonzi nderimwe riri kuitwa huori uye hurumende iri kuyambira kuti vanobatwa mumambure ehuori vacharangwa zvakomarara.

Mutungamiri wenyika yeZambia VaHikainde Hichilema vanoti hurumende yavo yakazvipira kurwisa huori. Vanoti, “Chisungo chedu ndechekuti tizadzikise matanho atakatora ekurwisa huori.” Vatiwo, “Tiri kuona kuti tiri kubudirira kurwisa huori tichishandawo nemapurisa nemamwe mapazi anoita basa iri. Hurumende yakaumbawo bazi rinotora pfuma yose yakawanikwa kuburikidza nehuori.

VaHichilema vakasarudzwa muna 2021 panguva iyo masangano ekunze akazvimirira akawanda akati huori hwange hwave muropa renyika iyi.

Mudzidzisi wepaUniversity of Zambia, Charity Musamba anoti akasangana nematambudziko ari kutaurwa nemutungamiri wenyika. Anoti musi wa 10 Kurume akaenda kuchipatara nemunin’na wake aida kunoongororwa ropa rake apo mumwe mushandi wepachipatara apa akayedza kuda kumumanikidza kubhadhara mari yechiokomuhomwe. Muzvare Musamba vati, “Ndakanzi tarisa kureba kwakaita mutsara wevanhu vari kuda kubatsirwa. Pane muchina mumwe chete uri kushanda uye unombofa. Saka kana uchida kuti munin’ina wako abatsirwe nekukasika tipe mari yechiokomuhomwe

Asi nyaya dzakadai dzinonzi dzakawanda muZambia. Komisheni inoona nezvekurwisa huori yeAnti-Corruption Commission kana kuti ACC yakaumbwa muna 1980. Inoti kune mazana nemazana evanhu vakamhan’ara nyaya dzechiokomuhomwe kubva kuvashandi vemubazi rezvehutano.

Mutevedzeri wemukuru weACC Monica Chipanta Mwansa anoti, Tiri kuona huori huchitekeshera kana pakutenga mishonga yemuzvipatara nekuti vamwe havasi kutevedzera mutemo.” Vatiwo, tiri kuona vanhu vari kutyora mutemo vamwe vashandi vehurumende vachiti vanoda chiokomuhomwe kubva kune vanenge vatengesera hurumende zvekushandisa muzvipatara.”

Sangano rinoona nezvekurwisa huori rine muzinda kuGermany, Berlin reTransparency International rinoti huori munyika dzichiri kubudirira hunokanganisa zvakanyanya nyaya dzezvehutano zvakafanana nekubaya vana nhomba, kumira kwenguva yakareba kwevarwere vasati vabatsirwa uye kusagutsikana kwevarwere nemabatirwo avo kuzvipatara.

Muna 2022, Anti-Corruption Commission yakasunga vaimbova gurukota rezvehutano VaChitalu Chilufya nevamwe vana vaipomerwa mhosva yekuba mari inosvika mamiriyoni gumi nemasere. Mari iyi yaibva kune vaida kutenga zvekushandisa muzvipatara. Asi kusvika parizvino hapana ati atongwa akapihwa charango. Mugore rimwe chete iri, Transparency International yakati munhu mumwe chete pavashanu vega vega ainge abhadhara chiokomuhomwe kuti abatsirwe.

Amai Mwansa vati, “Tavandudza hurongwa hwekurwisa huori uye uchaparurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika. Mumazuva mashoma anotevera. Uyu mutemo wenyika yose uye takapa vanhu mukana wekuti vapewo pfungwa dzavo.”

Mutemo mutsva uyu wakanangana nekukurudzira vanhu kuti vasiyane netsika yekuita zvehuori uye vabatsire kuti vanoita izvi vasungwe. Vanhu vanokurudzirwawo kuti vasabhadhare mari dzechiokomuhowe.

Nyaya iyi yatumirwa naKathy Short weVOA, maiverengerwa neni Blessing Zulu VOA Studio 7

Forum

XS
SM
MD
LG