Accessibility links

Breaking News

Bhanga reAfrican Development Bank Rokurudzirwa Kubatsira Nyika dzemuAfrica Kugadzira Fotereza


Bhanga guru remuAfrica reAfrican Development Bank kuti ribatsire nyikan dzemuAfrica nemari yekuti dzikwanise kugadzira mafoteresa kusimudzira goho. Kurudziro iyi yapihwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFredrick Shava kumusangano weAfrica Fertilizer and Soil Health Summit uri kuitirwa kuNairobi, Kenya.

Musangano uyu uri kuuya panguva iyo United Nations iri kuti mudunhu rekuchamhembe kweAfrica chete vanhu mamiriyoni makumi maviri kana kuti 20 million vakatarisana nenzara inotyisa gore rino nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasimuka nhasi vakananga kuNairobi kumusangano uyu.

Nyanzvi munyaya dzekurima Muzvare Wadzanai Manyore vaudza Studio 7 kuti kubatsira mukugadzira fotereza muAfrica kunobatsira zvakanyanya.

Vati Africa inokwanisa kunge yozvimirira munyaya dzechikafu zvinova zvinhu zvakakosha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG