Accessibility links

Breaking News

Mabhanga emuNigeria Anonzi Ari Kuita Huori Hwakanyanya


Nigeria Cash Crisis
Nigeria Cash Crisis

Komisheni inoona nezvehuori muNigeria yeEconomic and Financial Crimes Commission kana kuti EFCC inoti mabhanga emunyika iyi ndiwo anopara mhosva dzehuori dzakawandisa.

Panyaya dzekubiwa kwemari dzevanhu, mabhanga ari kupomerwa mumhosva dzinosvika pazvikamu makumi manomwe nemashanu kubva muzana kana kuti 75%.

Gore rega rega, muNigeria munomhan’arwa zviuru nezviuru zvemhosva dzehuori. Muna 2021 semuenzaniso, pane mhosva dzinosvika zana rezviuru nemakumi mana kana kuti 140,000 dzakamhan’arwa hunova huwandu hwakawandisa kudarika mamwe makore ose. Komisheni yeEFCC inoti iri kushanda kutsvaga nzira dzekumisa huori uhu.

Musi wa 4 Kubvumbi, 2021, Muzvare Uche Ohiri akanzwa nezvebhizimisi rekurima raikwanisa kupa munhu mari inosvika zvikamu zvitatu kubva muzana zvemari yaanenge adyara. Vakabva vadyira vachiti zvine mari ndokuuchika mari inosvika mazana mashanu nemakumi mashanu kana kuti US$550. Asi anoti paakangopa varidzi vekambani iyi mari vakabva vatiza ndokuvhara kambani yacho.

Muzvare Ohiri anoti. “Ndakayedza kuenda padandemutande kuti ndione kuti mari yange ichifamba sei.” Vatiwo, “Ndaiona mari irimo asi hapana chandaikwanisa kuti ndiitore.”

Muzvare Ohiri anoti iye nevamwe mazana nemazana vakabirwa mari nekambani iyi vakabva vamhan’ara kumapurisa.

Asi vakabva vaudzwa kuti kambani iyi yainge ichipomerwa mhosva yekuba mari inodarika zviuru makumi manomwe kana kuti 70 000 kubva kune rimwe bhanga ichishanda nevasandi varo. Bhanga iri rinoramba kuti pane charakanganisa. Asi Muzvare Ohiri anoti “Ndakatombofunga kuti ndiri kurota, zvange zvisati zvamboitika kwandiri. Asi ndakatozoona kuti iri raisave dambe.”

Nyaya dzekubiwa kwemari muNigeria dziri kuramba dzichiwedzera zvikuru mumabhanga. Mabhanga ekuNigeria arasikirwa nemari inodarika mamiriyoni mazana maviri kana kuti $201 million kubva muna 2020. Izvi zvakaburitswa nesangano rinoita zvetsakurudzo panyaya dzezvehuori reFinancial Institutions Training Centre.

Nyanzvi munayaya dzezvehupfumi dzinoti kushandisa mari dzepadandemutande uye kusanyotsotarisisa zvitupa nemamwe magwaro ndizvo zviri kupa kuti huori huwedzere. Mabhanga anonzi nekuda kwekushaya mari haanyatsoferefeta mhosva dzehuori uye haadyidzane zvakanaka kuti apanane mazano.

Nyanzvi munyaya dzezvemari VaIsaac Botti vanoti “Mamiriro akaita zvinhu parizvino anoita kuti zvinetse kurwisa huori. Tinoda kugadzirsa zviri kunetsa izvi tosimbisa mabhanga kuita kuti tivhare pombi dzehuori.”

Kambani inoona nezvekufambiswa kwemari yeKPMG inoti mabhanga zvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30% muNigeria ndiwo akzkwanisa kusimbaradza mashandiro awo kudzivirira huori munyaya dzemari uye achida zvitupa kune vanhu vanoda kuisa mari dzavo mumabhanga aya.

Muna 2021, bhanga guru renyika iyi rakakumbira vanhu kuti vamhan’are kwariri mari dzose dzinenge dzabiwa mumabhanga avo.

Gore rapera, mutungamiri wenyika yeNigeria VaBola Tinubu vakaparura chirongwea chekurwisa huori. Makomisheni anoti Independent Corrupt Practices Commission (ICPPC) ne EFCC akabva azivisa gore rino kuti ave kuita mushandirapamwe kurwisa huori.

Munyori we ICP Clifford Oparaodu, anoti, “Tine zvimwe zvinotikanganisa kuita basa asi nechikwata chatiinancho tiri kumboyedza napose patinogona napo kurwisa huori.

Asi VaBotti vanoti, “Huori hwapinda muropa. Tinofanira kumira semusambangwena kuti tiurwise. Tine makomisheni akwanda anofanira kutanga kuita basa raakaumbirwa pachokwadi. Vanofanira kuchuchisa vanhu vakawand.”

Sangano rinoona neezvemafambisirwo emari pasi rose reFinancial Action Task Force kana kuti FATF rinoti kusvika muna Chivabvu gore rinoouya, Nigeria inofanira kugadzirisa nyaya dzehuori munyaya dzemari idzi.

Kutadza kuita izvi inogona kutemerwa zvirango. Izvi zvikaitwa, vemabhizimisi vekuNigeria vanogona kutadza kuwana zvikwereti kunze kana kutengawo zvimwe zvinhu

Vakuru vehurumende muNigeria vanoti vachaona kuti izvi zvaitwa nguva yakatarwa isati yasvika.

Timothy Obiezu ndiye atumira nyaya iyi mukaiverengerwa neni Blessing Zulu weStudio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG