Accessibility links

Breaking News

Pove neMaonero Akasiyana paKubviswa kweZvidzidzo zveContinuous Learning Assessment, CALA, muZvikoro


Zvidzidzo zveCALA zvinonzi zvaitungamidza mabasa emaoko.
Zvidzidzo zveCALA zvinonzi zvaitungamidza mabasa emaoko.

Apo hurumende yashandura madzidzisirwo evana vechikoro vari kupuraimari nesekendari kutanga kotoro ino yepiri, vabereki nemasangano anoshanda akarerekera kune zvedzidzo vane miono yakasiyana pamusoro pedanho ratorwa nehurumende iri.

Asi iyo hurumende inoti iri mugwara rekubika vadzidzi vane hunyanzvi.

Bazi rezvedzidzo yepasi rinoti kudzidzwa kweContinuous Learning Assessment, kunozivikanwa nekunzi maCALA, kwava kubviswa muzvidzidzo zvepruaimari nesekendari, pchiiswa hurongwa hweHeritage-Based Assessment.

Vanoona nezvekubuditswa kwemashoko mubazi rezvedzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanotsanangura kuti chinangwa cheHeritage-Based Learning ndecheyi.

“Donzvo guru remhando yedzidzo iyi nderekuti tikasike kuona kuti vana vane zvipo zvakaita sei vachiri vadiki, kuitira kuti vadzidze zvinoenderana nezvavanoda uye zvavanokwanisa. Zvinobatsirawo kuti vana vazive kwatinobva sevana veZimbabwe uye kwatiri kuenda.”

Hurumende inotiwo Heritage-Based Assessment imhando yekudzidza inokurudzira vadzidzi kuti vazive kuzvishandira nemaoko vachiri vadiki, kubudikidza nekuvawanisa zvidzidzo zvinoenderana nedonzvo iri.

Wechidiki anotungamira sangano rinoshanda nevadzidzi vepuraimari nesekendari, reFriends of Education Africa, VaMoses Mbimbi, vanoti idanho rakanaka chose ratorwa nehurumende, kuunza kudzidza kutsva uku.

Vabereki vakawanda vanonzi vakanga vasingafarire zvidzidzo zveCALA izvi.
Vabereki vakawanda vanonzi vakanga vasingafarire zvidzidzo zveCALA izvi.

“Iyi ipfungwa yakanaka kunyanya kana tichitarisa zvinangwa zvine hurumende mukusimudzira nyika, zvinosanganisira Vision 2030. Zvinobatsira vadzidzi kuti vakasike kuona kuti simba ravo rakarerekera kupi, kuitira kuti vagoshandira nyika zvinoenderana nehunyanzvi hwavo.”

Mumwe mubereki wemumusha weGlen Norah, muHarare, Muzvare Tendai Mapuranga, vanoratidza kufarawo nekuda kwekubviswa kwemaCALA.

“Kutaura chokwadi, vabereki vakawanda vanosanganisira ini vanga vasingamanzwisisi maCALA, ndizvo vafara kuti abviswa. Kwasara kuti tione kuti zvitsva izvi zvakamira sei? Tinoda kutenda hurumende yakanzwa kuchema kwedu. Chatinoda kuti vana vawane dzidzo inozovabatsira mune remangwana.”

Asiwo mumwe mubereki akambotungamiri sangano rinomirira vabereki pane chimwe chikoro chemuHarare chavasina kuda kuti chidomwe nezita, Muzvare Evernice Munando, vanoti kuchinja-chinja kwemitemo yezvemadzidziro evana vepuraimari nesekendari kunogona kukanganisa huremu hwedzidzo yemuno.

“Heritage-based curriculum iri kuuya tisati tamboona zvibereko zveCompetence Based Curriculum, zvinova zvatanga tisingatarisiri sezvo panga pachida sungawirirano pakati pedzidzo yepasi neiyo yepamusoro. Kuchinja-chinja uku kunokonzeresa kudzungaira muvana vechikoro uye munyika nekuti hatikwanisi kuona budiriro yechinhu chimwe panguva imwechete. Ngatimirirei poto iibve tisati taishandura.”

Heritage-based learning iri kunzi ichaona vadzidzi vanenge vachida kunyora bvunzo dzeZIMSEC padanho reOrdinary Level, vachisungirwa kunyora maSubjects mashanu anoti English, Mathematics, Heritage Studies, Combined Science nerimwe rine chekuita nemitauro yemuno.

Mutauriri wedzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro.
Mutauriri wedzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro.

Pamusoro pemashanu aya, vadzidzi vanozokwanisa kusarudza zvimwe zvidzidzo zvitatu bedzi, kuti zvose zvisvike zvisere.

Izvi zvinoreva kuti hakusisina mudzidzi we’O’ Level achatenderwa kunyora maSubjects ebvunzo dzeZIMSEC anodarika masere. Ku’A’ Level, hakuchina vadzidzi vachatenderwa kugarira bvunzo dzezvidzidzo zvinodarika zvina.

Asi mukuru werimwe sangano rinomirira varairidzi vemuzvikoro zvedzidzo yepasi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vanoti havaoni hurongwa hutsva uhwu hwuchishandura mamiriro edzidzo yemuno, avati akadzikira chose.

“Kana zvidzidzo zvezvikoro zvichiitwa, varairidzi nevana vechikoro vanofanira kubvunzwawo miono yavo. Asi Heritage iyi chinhu chakangogadzirwa chichibva kumusoro, saka hationi chichibatsira vana vechikoro. Zvinoratidzawo sekuti chinhu chakananga kusimudzira nekukurudzira miono yebato riri kutonga.”

Hurumende inoti vadzidzi vose vari kunyora bvunzo dzavo dze’O’ Level ne’A’ level gore rino, vachaenderera mberi nekunyora bvunzo idzi dziine maCALA, asi kutanga gore rinouya, maCALA aya anenge abviswa.

Pakatanga kudzidziswa vadzidzi nezveContinuous Assessment Learning makore mashoma apfuura, veruzhinji vakatsoropodza nzira yedzidzo iyi, zvakazoita kuti bazi redzidzo yepasi riite ongororo pamusoro pemaCALA gore radarika- zvakazokonzerwa kuti abviswe.

Kare Zimbabwe yaimbonyora bvunzo dzeCambridge. Asi ikozvino zvave kungoitwa neshoroma kunyanya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG