Accessibility links

Breaking News

Mapazi eHurumende neMakambani Okurudzirwa Kuti Atambire Mari Itsva yeZiG


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vatumira mashoko kuvatori venhau vachikurudzira mapazi ehurumende nemakambani kuti vatambire mari itsva yeZimbabwe Gold kunze kwekunge paine mutemo wadzikwa nehurumende wekuti vabhadharise nemadhora ekuAmerica chete.

Pari zvino hurumende ine mutemo wechimbimbi, kana kuti Statutory Instrument, wekuti magwaro ekufambisa abhadhariswe nemari dzekuAmerica izvo zviri kunzi nevakawanda ngazvishandurwe.

Vemagaraji vanotenegsa mafuta edzimotokari ndevamwe vari kutsikawo madziro pakusatambira mari yeZiG.

VaNcube vanotiwo vemabhizimisi vanenge vachida kutenga zvinhu zvinenge zvakakosha kubva kunze kwenyika vanokwanisa kuenda kumabhanga vopihwa mari.

Asi vemabhizimisi vanoti mabhanga ari kuti mari yavainayo pari zvino ishoma.

Vamwe vemabhizimusi vari kuyambira kuti vanogona kuvhara kana kuti zvinhu zvichatanga zvakare kushaikwa muzvitoro kana hurumende yakaramba ichitora matanho ari kuonekwa nevamwe sekumanikidza kushandiswa kwemari yemunyika.

Mari itsva yeZiG inonzi iri kurambwa nevamwe vezvikoro nezvitoro.
Mari itsva yeZiG inonzi iri kurambwa nevamwe vezvikoro nezvitoro.

Bazi rezvedzidzo riri kutiwo zvikoro zvavhurwa neChipiri hazvifanire kubhadharisa vabereki mari dzechikoro nemadhora ekuAmerica.

Mapurisa, veZimbabwe Anti-Corruption Commission, never-B-Z vari kufambawo vachisunga vanotengesa nekuchinja mari pamukoto.

Mutungamiri wesangano revezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vakurudzira nhengo dzavo kuti dzitevedzere mutemo, vachiti hadzifanirwe kuramba dzichitsigira musika mutema. VaMutashu vanoti kuita izvi kuri kuramba kuchideredza huremu hwemari yemunyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi mune zvehupfumi vari sachigaro weCEO Africa Roundtable, VaOswell Binha, nyaya yemari muZimbabwe inyya yagara ichitemesa hurumende, makambani nevanhuwo zvavo musoro kwemakore akawanda.

VaBinha vanoti vakamirira kuitawo musangano nagavhuna veR-B-Z mutsva, VaJohn Mushayavanhu, vachiti hofisi yavo iri kutopnetsananavo kuti vapiwewo mukana wekutaurawo zvavanofunga vachiedza kubatsiridzawo mubasa ravo idzva ravari kuita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG