Accessibility links

Breaking News

VaBiden naVaTrump Vomirira kuKweshana muSarudzo yeMutungamiri Wenyika muAmerica Muna Mbudzi


VaDonald Trump naVaJoe Biden.
VaDonald Trump naVaJoe Biden.

Kwasara mwedzi mitanhatu kuti sarudzo yemutungamiri weAmerica iitwe pakati pemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vebato remaDemocrats, nevachamirira bato remaRepublicans, VaDonald Trump.

VaTrump vachapedza imwe yenguva iyi vari mumatare edunhu kana ehurumende vachipindura mhosva ina dzakasiyana dzavari kupomerwa, dzinosanganisira kuchengeta zvisiri pamutemo magwaro ehurumende uye kuchinja magwaro emabhizimisi avo senzira yekuvanza chokwadi chakaitika.

VaTrump vanoti vachuchisi vari kupindira munyaya dzesarudzo.

“Zvese zvaive pamutemo,” vanodaro VaTrump. “Asi vachuchisi vari kuita izvi nekuti ndezvematongerwo enyika. Vanoda kuti Biden asarudzwe. Ndicho chete chikonzero.”

Kuenda kumatare zuva nezuva kuri kuitwa naVaTrump kuri kuvatorera nguva yekutsvaka rutsigiro, asi vanoti zviri kuitwa nevachuchisi ndezve manyepo zviri kutovapa mbiri nevamwe vavhoti.

VaTrump vanoti, “Chinhu chakaipa chiri kuitika munyika yedu. Saka ndinovimba kuti musi wa 5 Mbudzi, rinova zuva rinokoshesesa munhoroondo yenyika yedu, mukufunga kwangu – iro rinonzi zuva resarudzo - ndinovimba zvinhu zvichashanduka nekuti vanhu ava vari kuparadza nyika yedu.”

Vatsigiri vebato rePublican Party vakatakura mufananidzo wenzou unoshandiswa nebato ravo.
Vatsigiri vebato rePublican Party vakatakura mufananidzo wenzou unoshandiswa nebato ravo.

Bato reRepublican Party rakapedzisira kudoma VaTrump kuti varimirire musarudzo yemutungamiri wenyika pamusangano waro mukuru uyo wakaitirwa zvakare pamadandemutande muna 2020 kuNorth Carolina.

Musangano mukuru weRepublican Party wegore rino uri kutarisirwa kuitwa muna Chikunguru mudunhu reWisconsin.

Musanagano uyu usati waitwa, VaTrump vanoda kusarudza wekupinda naye musarudzo semutewedzeri wavo mutsva.

Pavanhu vari kufungidzirwa kuti vangangodomwa kuve mutewedzeri wemutungamiri wenyika, pana seneta vedunhu reFlorida, VaMarco Rubio, seneta vedunhu reOhio, VaJ. D. Vance, seneta ve South Carolina, VaTim Scott, nemumiriri weNew York muparamende, Amai Elise Stefanik.

Semutungamiri wenyika ari pachigaro, VaBiden vane mukana wemitambo nemisangano zvinenge zvichiitirwa kumuzinda weWhite House kuti varambe vachizivikanwa nevavhoti.

Mukutsvaga kwavo rutsigiro, VaBiden vari kuramba vachiwedzera kushoropodza kwavo VaTrump vachizvirova dundundu nekusimba kwehupfumi hwenyika.

VaBiden vanoti, “Kuvakwa kwemafekitari matsva kwawedzera zvakapetwa kazana munguva yehurumende yedu.

"Zvichakadaro, Donald Trump achiri kungoti moto unobva mumagwenya emhepo kana kuti wema windmill unokonzera gomarara. Ndizvo zvaakataura. Pamusoro pazvo, rangarirai paya paaiedza kugadzirisa dambudziko reCOVID? Akati ingoedzai kuzvibaya jekiseni remushonga mushoma wekuchenesa mbatya mutsinga dzenyu. Akarasika --- zvese zvakaenda kubvudzi rake.”

Mufananidzo wedhongi uyo unomirira bato reDemocratic Party.
Mufananidzo wedhongi uyo unomirira bato reDemocratic Party.

Bato reDemocratic Party rakapedzisira kudoma VaBiden kuti vakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2020 kuWisconsin.

Musangano mukuru weDemocratic Party gore rino uchaitirwa kudunhu reIllinois.

VaBiden vari kukwikwidza zvakare nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris, avo vari kutsvaga rutsigiro panyaya yekudzoswa kwemutemo wenyika unodzivirira kubviswa kwepamuviri. Mutemo uyu wakamiswa kushanda apo dare repamusorosoro, reSupreme Court, rakarasa nyaya yeRoe v. Wade muna 2022.

Amai Kamala Harris vanoti, “Donald Trump ndiye aive mutungamiri akabvisa kudzivirirwa kwaivepo kwe Roe v. Wade, Joe Biden ndiye mutungamiri achadzosera dziviriro iyi panzvimbo.”

Zuva resarudzo dzemuna Mbudzi risati rasvika, VaBiden naVaTrump vari kutarisirwa kuita gakava, kana kuti ‘debate’. Varume vaviri ava vese vari kuti vakagadzirira. Hapana zuva rati ratarwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yabva kuna Scott Stearns, mutori wenhau weVOA News makaiverengerwa naTanonoka Whande weStudio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG