Accessibility links

Breaking News

MaGaraji Angatambire Here Mari yeMaZiG Pakutenga Peturu neDhiziri?


Vanhu vakawanda munyika vanoti vanotenda maruva vadya chakata pakuti vanokwanisa here kutaga kutenga mafuta ekufambisa dzimotokari nemari yemunyika yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG.

Izvi zvinotevera kuburitswa neZimbabwe Regulatory Authority kana kuti ZERA semazuva ose kwemari yekuti mumadhora emunyika, mafuta ekufambisa dzimotokari anoita mari mumarii.

Asi vamwe vanoti hapana chekupemberera nekuti ZERA yagara ichiburitsa mutengo nemadhora emunyika kubva panguva yaishandiswa mabond asi pasina kana garaji rimwe chete rinotambira mari yemunyika yacho.

Gavhuna weRBZ VaJohn Mushayavanhu vanoti vange vachiyedza kutaura nevaridzi vemagaraji kuti vanhu vatenge mafuta eekufambisa dzimotokari nemari yemaZiG.

Chipangamazano cheRBZ VaPersistence Gwanyanya vati zvekuti mari yekufambisa dzimotokari ibhadharwe nemari yemaZiG ndicho change chiri chinangwa chebhanga guru renyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvare Chenaimoyo Mutambasere vanoti rimwe dambudziko nderekuti mafuta acho ekufambisa dzimotokari anogona kutanga kushaikwa sezvaiitika kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG