Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inodomwa Kuti Ive Inoitirwa Musangano weAfrica-Nordic weGore Rinouya


Gurukota rezvekudyidzana nedzimwenyika, VaFrederick Shava
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwenyika, VaFrederick Shava

Zimbabwe inonzi ndiyo yakadomwa kuti iitirwe musangano wemakurukota ezvekudyidzana kwenyika dzemuAfrica nedunhu reNordic, weNordic-African Foreign Ministers’ Meeting wegore rinouya.

Izvi zvaziviswa nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, reForeign Affairs, kuburikidza nedandemutande raro re “X” iro raimbonzi Twitter mushure mekudomwa uku kumusangano wegore rino uyo wakapera neChishanu mushure mekuitwa kwemazuva maviri muCopenhagen, kuDenmark.

Nyika makumi maviri nenhanhatu dzemu Africa pamwe neshanu dzemudunhu reNordic dzononzi dzakapinda musangano uyu.

Zimbabwe inonzi yakasarudzwa pamberi peEgypt neUganda, idzo dzinonzi dzaidawo kuitirwa musangano uyu.

Musangano weNordic-African Foreign Ministers' Meeting unonzi wakanangana nekusimbisa kudyidzana pakati pematunhu nyika dzemuAfrica nenyika dzemudunhu reNordic dzinoti Denmark, Norway, Sweden, Finland neIceland.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Hatinawo kukwanisa kubata mutauriri webazi ravo, VaMike Mukura.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nekudyidzana kwenyika dzapasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, avo vanodzidzisa paDeVry University muAmerica, vanoti kudomwa kweZimbabwe uku kwakakosha zvikuru sezvo zvichipa mukana wekuti izivikanwe.

Muzvinafundo Masocha vanoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kuedza kuzviratidza kusiyana kwayo neyaivepo yamushakabvu VaRobert Mugabe munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, nekudaro inozama nepose painogona kkushandisa mukana wainenge yawana kunyange hazvo zvinhu zvisina kugadzikana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG