Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoyambira veZvikoro Vari Kuramba Kutambira Mari yeMunyika


Mari itsva yeZiG iyo inonzi zvimwe zvikoro zviri kuramba kuitambira.
Mari itsva yeZiG iyo inonzi zvimwe zvikoro zviri kuramba kuitambira.

Hurumende inonzi iri kuronga kuti vakuru vezvikoro vasiri kuda kutambira mari yeZiG pakubhadharwa kwemari dzechikoro vasungwe voendeswa kumatare edzimhosva.

Zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa neChipiri svondo rinouya.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vakatoyambira svondo rino muhurukuro yavakaita nebepanhau reManica Post kuti zvikoro zvisamanikidze vabereki kuti vabhadhare mari dzechikoro dziri mumadhora ekuAmerica chete kana kutara mari dzinobhadharwa neZiG zvichishandisa mutengo wemusika mutema.

Asi vezvikoro vanonzi vari kuchema kuti kutambira mari yemunyika kunovadzosera shure nenyaya yekuti huremu hwayo huri kuramba huchidzikira zvekuti pavanozoda kushandiswa mari iyi inenge isisina simba.

Hatina kukwanisa kubata VaNdoro kuti tinzwe zvizhinji sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reNational Coordinator Association of School Development Associations and Committees, VaBanny Manokore, vanoti nyika yeZimbabwe inofanirwa kutambira danho ratorwa nehurumende rekuti pave nemari itsva, asi vachiti panofanirwa kutariswawo mamiriro ehupfumi hwenyika kuti anobvumidza here kuti ingove iyo chete inoshanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mubatanidzwa wemamwe masangano anomirira varairidzi weFederation of Zimbabwe Educators' Union, FOZEU, unoti nhengo dzawo hadzisi kuzodzokera kubasa panovhurwa zvikoro neChipiri chinouya.

Mutauriri weFOZEU vari zvakare mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers' Union, ARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti varairidzi vanofunga kuti hurumende haisi kunzwa chichemo chavo chekuti ivawedzere mari dzemihoro sezvo mitengo yezvinhu yakwira.

Pakazovharwa zvikoro kotoro yapera varairidzi vari pasi peFOZEU vakanga vatotanga kuramwa mabasa vachida kuti vawedzerwe mari dzavanotambira vachiti mihoro yavo yaenzana nemutero wembwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG