Accessibility links

Breaking News

Zambia Inokwira paZvinhanho zveKurwisana neHuwori Kekutanga Mukati meMakore Gumi


Mutungamiri weZambia, VaHakainde Hichilema.
Mutungamiri weZambia, VaHakainde Hichilema.

Mamiriro egwaro rehuwori muZambia anoratidza kuti zvinhu zvashanduka mune zvakanaka kekutanga mukati memakore gumi sezviri kutaurwa nesangano reTransparency International Zambia.

Vakuru vehurumende vanoti kuzvipira kwavo mukusimbisa kuteverwa kwebumbiro remitemo nejechetere mukurwisana nehuwori zvabhadhara.

Mutori wenhau weVOA News Kathy Short ari muLusaka, kuZambia anotipa nyaya inotevera.

Mukuru weTransparency International muZambia, VaMaurice Nyambe, vakaudza VOA vari muLusaka kuti mamiriro enyaya dzehuwori anobuda mushure metsvakurudzo yakasimba yakaitwa pachinhanho chepasi rose.

Vakati ndiyo nzira inonyanyoshandiswa kupima huwori muhurumende pasi rose.

VaNyambe vanoti , “Zambia yakakwira pamusoro nemapoinzi mana kana tichitarisa pazvibodzwa . Iye zvino, zvibodzwa zveCPI zvinobvira pachimwe chete kusvika kuzana (1 to 100). Zero anoreva kuti munenge makatonyanya kuipa munyaya dzehuwori. Mumakore gumi adarika, Zambia yakambotanga ichidzikira, ichizoti mumakore matatu adarika, takaramba tiri pazvibodzwa makumi matatu kubva muzana. Iye zvino, tasimuka kuenda pazvimbodzwa makumi matatu nezvinomwe.”

Zambia imwe yenyika dzemuAfrica dzinonzi dzine huwori.
Zambia imwe yenyika dzemuAfrica dzinonzi dzine huwori.

Sezvinotaurwa neTransparency International, nzira yekupima nayo huwori yeCorruption Perception Index kana kuti CPI inoshandiswa kuronga nyika nemamiriro ehuwori muhurumende, sezvinoonekwa neongororo dzenyanzvi kana tsvakurudzo yezvinobva muvanhu.

CPI inotara huwori sekusashandiswa nemazvo kwemasimba anenge akapiwa munhu achizoguma ave kuzvigutse iye.

Gwaro retsvakurudzo rakaitwa muna 2023 neIMF pamusoro pematongerwo eZambia pamwe nehuwori rinoratidza kuti huwori hunofungidzirwa kuti hwakakonzera kuwedzerwa kwemitengo nevaida kuita mabasa akawanda epamusoro pamwe nemabasa ekuvaka munguva yaVaEdgar Chagwa Lungu semutungamiri wenyika pakati pa2015 na2021.

Rinoenderera mberi richiti nzira dzakawanda dzemari dzezvirongwa zvekuvaka zvivakwa zvakaita semigwagwa, ndidzo dzakaonekwa sedzaipa mikana yehuwori.

Kunze kwekukanganisa hupfumi hwenyika, sangano reZambia National Women’s Lobby, iro rakazvimirira richirwira kodzero dzemadzimai -rinoti vatungamiri vechidzimai muZambia vasangana nezvimhingamipinyi zvine chitsama mukuti vapinde mune zvematongerwo enyika nekuda kwehuwori.

Amai Juliet Chibuta, vanove mukuru wesangano reZambia National Women‘s Lobby vanoti, “Yave kutevedzera zvatagara tichirwira, tagara tichirwira kuti huwori huderere kuitira kuti madzimai ashande akasununguka munharaunda isina huwori nekuti huwori hunoderedza huwandu hwemadzimai anopinda mukutonga nezvinhanho zvehutungamiri.”

Kubva zvavasarudzwa kupinda pachigaro vachishandisa nyaya yekurwisa huwori, mutungamiri weZambia, VaHakainde Hichilema, vakavimbisa kuparadza huwori.

Gwaro rinoratidza pamire nyika dzemuAfrica munyaya dzehuwori.
Gwaro rinoratidza pamire nyika dzemuAfrica munyaya dzehuwori.

VaFelix Nkulukusa, munyori mukuru mubazi rezvemari vakadzokorora zvakare kumusangano uchangobva kuitwa muWashington kuzvipira kwehurumende yavo kurwisana nehuwori.

VaNkulukusa vakati, “Takaumba boka remapazi akasiyanasiyana anoshanda pamwe kuitira kudzosa hupfumi. Pamusoro pekomisheni inorwisana nehuwori, takasarudza masangano angangosvika kumakumi maviri nerimwe ari mumapazi anoona nezvemutemo nemamwe mune dzimwe nzvimbo dziri kubatsira mukuedza kudzosa pfuma yose yakawanikwa kuburikidza nehuwori.”

Vanotsoropodza mutungamiri wenyika VaHakainde Hichilema vari kupenga kuti kusungwa kwevari kupomerwa mhosva dzekuita zvehuwori kwanga kuchingoitika chete kwakanangana nevavanopikisana navo mune zvematongerwo enyika vachikutsanangura sekupumhwa huroyi kwevaive muhurumende yadarika.

Muna 2022, vakuru muhurumende yeZambia vakaumba dare rinobata nyaya dzezvehupfumi nemari kuitira kukasika kutongwa kwenyaya dzehuwori. Hapana vati vawanikwa vaine mhosva kusvika pari zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

(Nyaya iyi yabva kuna Kathy Short, mutori wenhau we VOA News ari kuLusaka, Zambia.)

Forum

XS
SM
MD
LG