Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobata nePasi Rose kuCherechedza Zuva reKuremekedzwa kweKodzero dzeVatori veNhau


Zuva reWorld Press Freedom Day rinocherechedzwa pasi rose gore roga roga.
Zuva reWorld Press Freedom Day rinocherechedzwa pasi rose gore roga roga.

Zimbabwe nhasi yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekukurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzevatori venhau reWorld Press Freedom Day, hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ichiti vatori venhau vari kushanda vakasungunuka munyika.

Mumashoko kuvatori venhau ekucherechedza zuva iri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere vati hurumende yaita zvakawanda zvinoita kuti vatori venhau vashande vakasununguka kuburikidza nekudzika mitemo inobvumidza kuti vatori venhau vashandire munharaunda dzakasununguka, dzakachengetedzeka uye dzinobvumidza kukwikwidzana kuitira budiriro yemapoka ose enhau pamwe nekuvandudza mitemo inokanganisa kushanda kwevatori venhau vakasununguka yakaita se Access to Information and Protection of Privacy Act (AIPPA).

Vatiwo hurumende iri mubishi kuvandudza mitemo yakaita se Zimbabwe Media Commission Act neBroadcasting Services Amendment Act, uye iri kuongorora bhiri rekushanda kwevatori venhau re Media Practitioners Bill.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere.

Asi vaimbove mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa, vati kodzero dzevatori venhau munyika dzinofanirwa kuremekedzwa. Vachinyora mumashoko avo ekucherechedza zuva reWorld Press Freedom Day padandemutande re “X” iro raimbonzi Twitter, VaChamisa vati rusununguko rwevatori venhau pamwe nekuremekedzwa kwebasa rekutorwa kwenhau zvichachengetedzwa muZimbabwe itsva.

Sangano reMISA-Zimbabwe rakacherechedza zuva reWorld Press Freedom Day nezuro muHarare pagungano rakapindwa nevatori venhau, masangano enhau pamwe nevemapazi ehurumende anoti rezvekuburitswa kwemashoko nerekuchengetedzwa kwenharaunda nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Murongi wemabasa musangano reMISA Zimbabwe VaMalvern Mkudu vanotiwo vatori venhau vachiri panjodzi kubva kune avo vanobata mabasa anokanganisa nharaunda nekushanduka kwemamiriro ekunze vakaita semakorokoza vachiti sangano ravo rakatotambira zvichemo zvemhando iyi.

Misa- Zimbabwe
Misa- Zimbabwe


Achipa maonero ake pamusoro pezuva iri, mutori wenhau wechidzimai Rumbidzayi Mashayahanya anoti pari zvino vatori venhau vakasununguka zvikuru kana zvichienzaniswa nemakore mashoma apfuura asi achikurudzira vatapi venhau kuti vashandise mukana uyu kunyora nyaya dzinosimudzira runyararo pamwe nekugadzikana munyika.

Mukuru weMedia Alliance of Zimbabwe VaNigel Nyamutumbu vaudza Studio 7 kuti zuva reWorld Press Freedom Day rakakosha nekuti rinopa mukana kumasangano enhau kuti vatarise nekuongorora kodzero dzevatori venhau pamwe nekukurudzira hurumende kuti ichengetedze kodzero dzavo.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Union of Journalists, VaPerfect Hlongwane, vanoti kunyangwe Zimbabwe iri kuedza kuvandudza mitemo kuchengetedza kodzero dzevatori venhau, pachine zvakawanda zvainofanirwa kugadzirisa kuti vatori venhau vasununguke.

Vachitaurawo neStudio 7 pagungano reMISA Zimbabwe iri nezuro, mumwe mushandi mukuru muBazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, mamiriro ekunze pamwe nemasango VaEdward Samuriwo vanoti nekuda kwedingindira reWorld Press Freedom Day regore rino, vatori venhau vanofanirwa kubatana nehurumende votaura nekunyora nyaya dzinechekuita nekushanduka kwemamiriro ekunze uye vatsvake ruzivo kuti vagone kuburitsa nyaya idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG