Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vovimbisa Kurambidza Zvakare Vanobva kuNyika Dzine Vatendi vechiMoslem Kupinda muAmerica Kana Vakasarudzwa


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Vari kutarisirwa kumirira bato rema Republicans musarudzo yemutungamiri wenyika, vaDonald Trump, vanoti kana vakasarudzwa vachamisa zvakare pazuva rekutanga kwehurumende yavo kupinda muAmerica kwevanhu vanobva kune dzimwe nyika dzine vechitendero chechi Moslem vakawanda.

VaTrump vakambozviita izvi pavaive mutungamiri weAmerica zvikakonzera mutauro asi mutemo uyu wakazoshandurwa naVaJoe Biden.

Pavakanga vachitsvaka rutsigiro rwekuva mutungamiri wenyika pekutanga, mugore ra 2016, VaTrump vakavimbisa kuvandudza mashandiro anoita bazi rezvekupinda nekubuda kwevanhu muAmerica, re U.S. Immigration, senzira yekuvharira kunze matororo anobva kunyika dzechitendero cheIslam.

VaTrump vakati, “Ticharambidza vanopfurikidza mwero vechi islam vanoita zvechitororo kupinda munyika yedu, zvakapetwa kazana kubva muzana. hapana chimwe chatingaita. hatina chimwe chatingaite.”

Vave pachigaro, VaTrump vakamisa kupinda kwevanhu mu America vanobva kunyika nomwe dzechechitendero che moslem vakawanda…izvo zvakakonzera kuratidzira nekuenda kumatare kwemasangano anorwira kodzero dzevanhu, anosanganisa reAmerican Civil Liberties Union (ACLU).

Mukuru weACLU, VaLee Gelermet, vanoti, “Kana paine kutyisidzira kuripo, zvinofanirwa kuongororwa nyaya imwe neimwe, asi hatifaniri kufungira kuti vamwe vanhu kana vechimwe chitendero vanotyisa kudarika vamwe.”

Nyaya yekurambidzwa kwevamwe vanhu kupinda muAmerica yakanzwikwa kubva mudare repasi kusvika kudare repamusorosoro muAmerica, reSupreme Court, uko vatongi vakawanda vanochengetedza tsika nemagariro vakazvitsigira, izvo zvakapembererwa naVaTrump padandemutande uye nekumuzinda weWhite House vachiti, “Tinofanira kusimba, uye tinofanira kuva takachengetedzeka, uye tinofanirwa kuchengetedzeka.”

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden.

VaJoe Biden vakatsvaga rutsigiro muna 2020 vachipikisa kurambidzwa kupinda muAmerica kwevanhu uku naVaTrump, vachiti, “Munoziva, hamufanirwe kutsigira mutungamiri wenyika anopesvedzera ruvengo nerusarura ganda kuvanhu vechi Moslem zvekusvika pakurambidza vanhu vechi Moslem kushanya.”

VaBiden vakatangazve kubvumidza vechi Moslem kupinda muAmerica muna 2020 vave mutungamiri wenyika.

Zvino mushure memakore mana, VaTrump vakaudza vatsigiri vavo mudunhu reWisconsin svondo rino kuti zviri kuitika mudunhu reMiddle East iko zvino chiratidzo chikuru chekuti vanhu vekunyika dzechi Moslem ava varambidzwe kupinda muAmerica zvakare vachiti, “Mu America hamudiwi chimurenga asi hatidi kuti maguta edu ave nzvimbo dzinodzidzisa pfungwa dzekupfurikidza mwero.

"Naizvozvo pazuva rekutanga kutonga, ndichamisazve kupinda kwevanhu ava muAmerica, uye ndicharambidzawo vapoteri kupinda munyika pamwe nekuona kuti vanopfurikidza mwero havapindi munyika yedu, sezvandakamboita.”

Mukutsvaka rutsigiro, VaBiden vanotaura pamusoro pezvakaitirwa America nevanhu vakabva kune dzimwe nyika, vachiudza vanobetsera nemari yekutsvakisa nayo rutsigiro kuti dzimwe nyika dziri kunetseka nekuti dzinotya nekusarura vanobva kune dzimwe nyika.

VaBiden vanoti China, pamwe neJapan, Russia neIndia dziri kusara shure mune zvehupfumi nokuti vanotya vabvakure; havadi vekune dzimwe nyika.

VaBiden vanoti vekune dzimwe nyika vanosimbisa America.

Ongororo yakaitwa muna kubvumbi neHarvard CAPS-HARRIS inoratidza kuti kupinda munyika kwevanobva kunze nekukwira kwemitengo yezvinhu ndidzo nyaya dziri pamusorosoro pevavhoti vemuAmerica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

(Nyaya iyi yatumirwa naScott Stearns weVOA; maiverengerwa naTanonoka Whande weVOA Studio 7 ku Washington D.C.)

Forum

XS
SM
MD
LG