Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuti Isaise zveMatongerwo eNyika muNyaya dzeMari Itsva yeZiG


Mari itsva yeZiG yemapepa neyendarama yave kushandiswa munyika.
Mari itsva yeZiG yemapepa neyendarama yave kushandiswa munyika.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti hurumende iri kupedza nguva kuteya nzou neriva nekusunga kwairi kuita vanhu vari kunzi vari kutyora mutemo weExchange Control Act nekuchinja kwavari kuita mari zviri kunze kwemutemo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technolgy muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti vari hurumende iri kushandisa zvematongerwo enyika pamwe nekutyora kodzero dzevanhu kuburikidza nekusamba yochengeta vanhu ava mukajeri isingavape mikana yekubvisa mari yechibatiro.

Muzvinafundo Mukonza vanoti pachitariswa kumashure, pane nhoroondo inoratidza kuti hurumende kana ichida kurwadzisa vanhu inovachengeta muhusungwa vasina mukana wekubvisa mari yechibatiso sezvakaonekwa panaVaJob Sikhala.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaSnowball Tongogara, vanoti hapana kutyorwa kwekodzero kana kushandiswa kwezvematongerwo kuri kuitwa nehurumende, vachiti vanhu vose vakasungwa hapana aibvunzwa kuti unotsigira VaNelson Chamisa here, unotevera VaEmmerson Mnangagwa here, kana kuti uri wekwaVaDouglas Mwonzora here?

VaTongogara vanoti vasungwa ava vanhu vari kutakura mutoro wavo, nekudaro matare edzimhosva anofairwa kusiiwa achiita basa rawo asingaisirwe mutoro wezvematongerwo enyika.

Vanoti kune vamwe vanongomirira kushora hurumende vari kuda kuona zvirongwa zvayo zvichikundikana, vachiti izvi hazvisi kuzoitika.

Vamwe vari kuti hurumende haifanirwe kuonekwa seiri kumanikidza veruzhinji kuti vatambire mari itsva yeZiG, vachiti izvi hazvishande sezvo zvakamboitika muna 2018 apo hurumende yakasunga zvakare vanochinja mari zviri kunze kwemutemo vanodarika zana asi zvichinzi hazvina zvazvakabatsira.

Pari zvino vanhu vanodarika zana vari muhusungwa vachimirira kutongwa mushure mekusungwa kubva mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekuchinja mari zviri kunze kwemutemo, izvo hurumende iri kuti zvinoita kuti mari itsva iyi irasikirwe nehuremu hwayo uye kushaya chivimbo neveruzhinji.

Mabhizimusi anodarika gumi akavharirwawo mabhuku ekumabhanga achipomerwa mhosva yekuramba kutambira mari itsva iyi achingoda kutambira mari yekuAmerica chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG