Accessibility links

Breaking News

Mutewedzeri weMutungamiri weNyika, VaChiwenga, Vanotungamira Zimbabwe kuMusangano weZvehupfumi kuIran


Mutwedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.
Mutwedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vari kuTehran, guta guru reIran, uko vari kutungamira chikwata cheZimbabwe chiri kupinda musangano wepiri wekudyidzana kwenyika iyi nenyika dzemuAfrica mune zvemabhizimusi, weIran-Africa International Economic Conference.

Musangano uyu wavhurwa zviri pamutemo nemutungamiri weIran, VaEbrahim Raisi, avo vati nyika yavo iri kutsvaga kuchengetedza hukama neAfrica kuburikidza nekuwirirana, kwete zviri kuitwa nenyika dzekumawirira dzakawanda dzavati dziri kungomora hupfumi hweAfrica.

VaChiwenga vanonzi vasanganawo naVaRaisi vakazoudza vatori venhau mushure memusangano uyu kuti vari kushanda kuona kuti zvibvumirano zvakanyoreranwa pasi nenyika yavo neIran zvatanga kushanda nekukasika.

Zimbabwe neIran gore rapera dzakanyorerana pasi zvibvumirano gumi nezviviri mushure mekushanya kwemutungamiri weIran kuZimbabwe.

Musangano uyu uri kuitwa kwemazuva mana uye uri kupindwa nevamiriri venyika makumi matatu dzemuAfrica.

Nyika dzainoti America, China, France neRussia dzine misangano yadzinoitawo yekudyidzana nenyika dzemuAfrica munyaya dzezvehupfumi.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa pa DeVry University kuOhio muno muAmerica, Muzvnafundo Elliot Masocha, vanoti havaoni zvavo nyika dzemuAfrica dziine zvikuru zvadinowana kubva kumusangano uyu sezvo Iran iri nyika isina kupfuma zvakanyanya.

Vanotiwo havafungi kuti kupinda musangano uyu kweZimbabwe kungakanganisa hurongwa hwayo hwekumutsiridza kudyidzana zvakare nenyika dzekumawirira dzakaita seAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG