Accessibility links

Breaking News

VeZvematongerwo eNyika Vopa Maonero Avo paMashoko eVaimbove Mutungamiri weCCC VaChamisa eKuti Vanofanirwa Kugara Pasi naVaMnangagwa


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nevanopikisa, VaNelson Chamisa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nevanopikisa, VaNelson Chamisa.

Nyaya yekuti matambudziko akatarisana nenyika angapedzwa sei yatsviriridza zvakare munyika zvichitevera mashoko evaimbove mutungamiri webato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, svondo rapera ekuti mhinduro iri muhurumende inobva muvanhu.

VaChamisa vakaudza bepanhau reNews Day kuti vanofanirwa kugara pasi nemutungamiri wenyika vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa votaurirana.

Sangano reZimbabwe Intercessors Movement rinonziwo riri kutaurawo nemapoka ose ane chekuita nekugadzirika kwezvinhu munyika mukutsvaga kwaro nzira dzingapedza matambudziko akatarisana nenyika. Sangano iri rinonziwo riri kukurudzira kuti VaMnangagwa naVaChamisa vabatane vashandi pamwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaJones Musara, vanoti nhaurirano dzekugadzirisa nyika hadzina kutanga nhasi asi kuti nhoroondo yeZimbabwe inoratidza kuti kubva munguva yehondo varwiri verusununguko vakagara pasi vachitaura nevaive vakapamba nyika.

VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

VaMusara vanobvunza kuti VaChamisa vanoda kugara pasi nemutungamiri wenyika saani ivo vakazivisa kuti vasiya zvematongerwo enyika, vachiti kana nhaurirano dzichiitwa munyika hadzifanirwe kuve dzaVaChamisa naVaMnangagwa chete, asi kuti dziwe dzevanhu vose vane chekuita nenyika.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vaimbove nhengo yeCCC mudunhu reAmerica, VaTawanda Dzvokora, vanoti manyepo ekuti VaChamisa Vakasiya zvematongerwo enyika sezvo vakabuda pachena kuti vakanga vabuda mubato reCCC sezvo rakanga rapindwa napongwe.

VaDzvokora vanoti VaChamisa vanopinda munhaurirano vachimirira vana veZimbabwe sezvo vari munhu achiri kurwira kuti vana veZimbabwe vawane hugaro hwakanaka.

Bepanhau reDaily News rakaburitsawo nyaya yekuti mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, vakati pane pfungwa iri kubva kuchikwatc cheCCC chiri kutungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube, yekuti paumbwe hurumende inobva kumapoka ose emunyika inotarisa budiriro yenyika pane kutarisa sarudzo.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaNcube kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.

VaMnangagwa vaimboramba kuita nhaurirano naVaChamisa vachiti vanotaura navo chete kuburikidza negungano rePOLAD, uko vatungamiri vemapato vakakwikwidza musarudzo vari nhengo.

Asi VaChamisa vakagara varamba kupinda muPOLAD vachiti VaMnangagwa havangaite mutongi gava panyaya yegakava riri munyika, sezvo ivo vari mumwe wevanhu vanofanirwa kunge vachiyananiswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG