Accessibility links

Breaking News

ZITF Inopinda muZuva reChina Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vachiti Vafadzwa neZviratidzwa zveMunyika


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kuZITF. (Mufananidzo neBazi rezveKuburitswa kweMashoko)
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kuZITF. (Mufananidzo neBazi rezveKuburitswa kweMashoko)

Gungano reZITF rapinda muzuva rechina vanhu vakawanda vachibuda kuzoona zviri kuratidzwa nemakambani emunyika akasiyanasiyana pamwe neekunze kwenyika, uye vamwe vevapinda kugungano iri vachikwanisa kusangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vanga vachishanyira nzvimbo dzevamwe vevari kuratidza mabasa avo pagungano iri.

Mutungamiri wenyika, VaMnangagwa, avo vanga vachiperekedzwa nevanakomana vavi mapatya Sean na Collins pamwe chete naVa Wicknell Chivhayo, vatora nguva yavo vachitenderera vachiona nzvimbo dzakawanda dzemakambani emunyika pamwe neekunze vane zvitaridzwa zvakasiyanasiyana pamberi pekuvhurwa kwemusika weZITF uyu zviri pamutemo mangwana.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekushanyira nzvimbo dzinosanganisira Net-One nedziri pasi pemakambani eku Kenya ne European Union, VaMnangagwa vati vafara chose uye vagutsikana nekunaka pamwe nehuwandu kwezvigadzirwa zvemunyika zvavaona, izvo vati zviri kunaka nekuwedzerwa gore roga roga.

Mumwe weveruzhinji vapinda muZITF vari kuti vafadzwa nezvavaona ndemumwe wechidiki, Muzvare Monica Sibanda, avo vachangopedza zvidzidzo zvavo zvepamusoro zveFinancial Accounting paNational Univeristy of Science and Technology.

Mukuru anoona nezvekudyidzana neveruzhinji pamuzinda weAmerica muZimbabwe, VaLarry Socha
Mukuru anoona nezvekudyidzana neveruzhinji pamuzinda weAmerica muZimbabwe, VaLarry Socha

Mukuru anoona nezvekudyidzana neveruzhinji pamuzinda weAmerica muZimbabwe, VaLarry Socha, avo vanga variko vati nyika yavo inoramba ichishushikana nekwavati kusamira zvakanaka kwemabatirwo ekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Panyaya yekuti vamwe vanoti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika yavo hazvikanganise here makambani ekuAmerica anoda kusima mari muno, VaSocha vati kushandurwa kwakaitwa zvirango nenyika yavo inzira yekubatsira Zimbabwe kuti igadzirise matambudziko ayo vakatiwo zvirango zviripo zvakatemerwa vanhu vashoma nemakambani mashoma kwete kuti Zimbabwe yose.

“Zvakakosha panguva iyo yekuti makambani enyika yeAmerica ari kutsvaga mikana yekupinda munyika ino zvakakosha kuti Zimbabwe isazviona senyika iri pasi pezvirango.

Nzvimbo yemuzinda weAmerica kuZITF.
Nzvimbo yemuzinda weAmerica kuZITF.

"Sezvamunoziva mutungamiri weAmerica VaJoe Biden vakabvisa chikamu chezvirango zvange zviripo musi wa4 Kurume vakaisa chimwe chikamu chakanangana nevanhu vashoma nemakambani mashoma.”

Vakuru vakuru vehurumende kusanganisira mutungamiri wenyika VaMnangagwa vanogara vachitaura rekuti zvirango zvakatemerwa nyike nenyika dzekumadokero hazvisi pamutemo uye zvinofanirwa kubviswa.

Ukuwo, mumiriri wemubatanidzwa wenyika yeEuropean Union muZimbabwe, VaJobst von Kirchmann, vachipindura mibvunzo muhurukuro yavaita parutivi neStudio 7, vati E-U yagara ichibatsira Zimbabwe munyaya dzechikafu nedzehutano nezvimwe, vakati vari mushishi rekuti paitwe ongororo yekuti vovandudza rubatsiro urwu sei mushure menzara yapinda munyika zvichitevera kusanyaya zvakanaka kwemvura mwaka uno.

Mumiriri wemubatanidzwa weEuropean Union muZimbabwe, VaJobst von Kirchmann.
Mumiriri wemubatanidzwa weEuropean Union muZimbabwe, VaJobst von Kirchmann.

Pamubvunzo wekuti ndezvipi zvavanoona sezvikonzero zviri kuita kuti makambani emuE-U arambe achizeza kuuya kuzosima mari munyika, Va von Kirchmann vati pane zvinhu zvine chitsama zvinoda kugadziriswa zvinogona kubatsira kukwezva makambani eE-U.

“Munyaya dzemari taona kuunzwa kwamari itsva uye ndinofunga kuti ichi chimwe chezvinhu zvinogona kukwezva makamabni ekunze kuuya muZimbabwe kana kushanda kwemari nemabhanga kwave kunyatsofamba zvakanaka. Izv ndezvimwe zvezvatinotarisira kuti zvichange zvanyatsojeka mukati memwedzi mitanhatu inotevera.”

Gungano reZITF range richifanirwa kuvhurwa zviri pamutemo nhasi nemutungamiri wenyika yeKenya, VaWilliam Ruto, asi vave kuzoita izvi mangwana mushure mekunge vabatikana nezvimwe.

Asi VaRuto vasvika muguta reBulawayo nhasi vakatambirwa panhandare yeJoshua Mqabuko Nyongolo Nkomo naVaMnangagwa pamwe nemumwe wevatevedzeri vavo, VaKembo Mohadi pamwe nemamwe makurukota ehurumende anosanganisira gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika, Amai Oppa Muchinguri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG